Mutemo womutsa mabasa
Africa Moyo KUTANGA kushanda kwemutemo wePublic Procurement and Disposal of Public Assets (PPDPA) Act (Chapter 22: 23) – uyo unofanirwa kutevedzwa nemakambani nemamwe mapoka ari pasi peHurumende uye nemakanzuru pakutenga…
‘Murume wangu akaromba’
Michael Magoronga MUDZIMAI wekuKwekwe akashamisa vanhu vaive mudare reko apo akati murume wake — uyo waagara naye kwemakore 40 – ane zvidhoma zviri kukonzera kutambura kukuru mumhuri yavo. Sostina Mushonga…
Varimi vemasamba voda rubatsiro
Rumbidzai Zinyuke VARIMI vemasamba vekudunhu reManicaland vanoti vari kusangana nezvimhingamipinyi zvekuwana zvekushandisa mubasa ravo izvo zvinogona kudzorera kumashure zvikuru budiriro yavo. Sachigaro weZimbabwe Farmers Union (tea commodity) kuManicaland VaCharles Sanhanga…
Onai chokwadi nenhema’
Munyori weKwayedza VOTAURA nezviri kurehwa nemurume wemuHarare uyo ari kuzviti ndimwari, Bishop Johannes Ndanga — avo vanova mukuru wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) — vanoti kunyangwe zvazvo vasingashore…
O-LEVEL — Manyambiri: Nhoroondo yemunyori
Munyaradzi Gunduza NHOROONDO yemunyori inokosha zvikuru pakunzwisisa chinyorwa chake. Izvi zvinodaro nokuti munyori anogona kuratidza zivo yake maererano nenzvimbo yaakambogara, zvakamboitika kwaari, zvaakanzwa munhoroondo yedzinza rake, makuriro ake, zvinhu zvaakasangana…
Anobvisa hembe
Tatenda Shuro MUKADZI wekuDzivarasekwa 3, muHarare, anoti murume wake ane katsika kekuti kana achinge ashatirwa, anobvisa hembe dzake dzose osara ari musvo apo anotanga kumutuka zvinyadzi pajekerere. Sinfree Tapera akamhan’ari…
Ozvambaradza mukadzi
Tatenda Shuro VANHU vaive mudare vazoshamisika apo mumwe mudzimai akati kana murume wake achinge agumburwa neshamwarikadzi yake, anopedzera shungu kwaari achimuzvindikita. Ellah Mwanza anogara kuDzivarasekwa, muHarare, akaendesa murume wake Philemon…
Kutsvaga problem asi uriwe problem yacho
IMBWA HAIHUKURE SADZA: naIgnatius Mabasa KANA ukarota hope uri zvausiri, usasuwe nekuti warota uri zvausiri. Zvauri unozviziva, zvausiri unozviziva. Muka urambe zvausiri, utaure zvauri. Muka urarame hupenyu, kwete hope. Funga pamusoro pezvinhu…
A-LEVEL — akanhonga vhunze nemuromo: Musoro webhuku
Munyaradzi Gunduza UYU mutambo wakanyorwa naBright Chimedza Mashayamombe ndokutsikiswa neveZPH mugore ra2015. Bhuku iri rine mapeji 84. Kupindirana kwemusoro webhuku nemutambo: Musoro webhuku uri kubuda zvine hungwaru uye zvinoda hudzamu…
Mukombe ndewedu: Jere
Abel Ndooka SACHIGARO weCAPS UNITED, Farai Jere, anoti mwaka wa2019 ndewechikwata chake uye chinoda kurakasha zvimwe zvese kuti vagove shasha zvakare dzeCastle Premiership.











