‘Mukadzi oita chinamira neni’
Milcah Nhakura MURUME samusha anogara kuChisipite, muHarare — wekuti ari kuoneswa ndondo nekushungurudzwa neaimbova mudzimai wake uyo waanoti anomutevera kwose kwaanoenda achimutuka nezvinyadzi paruzhinji — akapotera kudare achida gwaro redziviriro.…
Ravira muboora une dovi
USAVI hwemufushwa wemuboora hunokurudzirwa zvikuru sezvo kuri kudya kwechivanhu kunosimudzira utano. Svondo rino Julia Cosmas Mudereri wekuBindura anorondedzera mamwe mabikirwo eusavi uhu. Zvinodiwa: Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, mufushwa…
‘Pamwe igomarara’
Munyori weKwayedza VOTAURA pamusoro pedenda remukadzi ari kuti anoyamwiwa nenyoka nezvidhoma uyu, chamangwiza wechipatara cheHarare Central Hospital, Dr Nyasha Masuka vanoti mudzimai uyu anofanirwa kuenda kuchipatara onoongororwa namachiremba kuti haana…
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Ndizvo zvinotipa kuti tinyeperwe nesoshomedia
MBIRI haidi zvekutsvagwa, asi inofanira kuuya yega. Mbiri haivhimwe nedemo kana pfuti. Kana uchitsvaga mbiri, unoziva kuti kana wakamira wega pasina mbiri yako unenge wakafanana nemapete emukicheni anorarama nekudya husiku…
‘Ramba murume, haana ropa remari’
Fortunate Gora ari kuCHINHOYI VANHU vaive mudare vakakahadzika apo rimwe godobori iro riri kupomerwa kuda kubata chibharo mukadzi warairapa rakati kubata-bata kwarakamuita nhengo dzemuviri wake dzakavandika yakange iri nzira yekudzinga…
O-LEVEL- MANYAMBIRI…Pfupiso yaManyambiri
Munyaradzi Gunduza TINOFAMBIRA mberi kubva patakasiira svondo rakapfuura. Paida naPaido vanokura vari vana vakanga vakafanana zvikuru zvekuti aivaona aikwanisa chete kuvaziva kuburikidza nezvifumuro zvavakanga vakaiswa muhuro nemumakumbo. Chinhu chimwechete chaisiyanisa…
‘Hausi murume pane vamwe’
Milcah Nhakura MUKOMA akazvuvira munin’ina wake kudare achiti ari kuoneswa pfumvu nekushungurudzwa kuburikidza nekurohwa nekutukwa achinzi haazi murume pane vamwe varume. Raphinos Zvirevo anogara panhamba 6179 Dzivaresekwa Extension, muHarare, akamhan’arira…
GRADE 7: Dzimwe mhando dzerondedzero
Ticha Danga TIRI kusimudzira nenyaya yedu yerondedzero. Muchikamu chino tinoda kutarisa mhando dzerondedzero. Tichaburitsa mafambisirwo adzinofanirwa kuitwa. Tine mhando dzinopfuura shanu dzerondedzero idzo dzatichataura nezvadzo dzose. Kune rondedzero yetsanangudzo (descriptive)…
Tichadzosa mafaro: Zifa
Abel Ndooka MUTUNGAMIRI weZimbabwe Football Association Felton Kamambo anoti shanduko huru iri kuuya munhabvu yemuno uye bhodhi rake riri kuedza neparinogona kuti zviitike. Kamambo akasarudzwa muna Zvita gore rapera kuve…
Muti woita mashura -Wakatemwa ukamuka -Pashure ukazotaura -Mayor weguta otsinhira
Freedom Mupanedemo ari kuREDCLIFF KURUKESHENI rwekuRutendo, mudhorobha reRedcliff, kudunhu reMidlands, kunonzi svondo rapera kwakaitika manenji ehunde yemuti uyo wakadonhedzwa nemhepo yaiva nedutu ukatanga kutaura uchirambidza vagari veko kuti vasauteme huni,…








