Fabregas akachemera vatsigiri

CESC Fabregas achiri mutambi weChelsea kunyangwe hake akawonekana nevatsigiri vechikwata ichi musi weMugovera wadarika sezvo chikwata chake chinoda kutanga chatenga mumwe mutambi chisati chamusiya achienda.

Ticha akapondwa nemakorokoza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MUDZIDZISI wekuMsengezi, kuChegutu, anonzi akapondwa nemakorokoza pamberi pemudzimai nevana vake panzvimbo yeUhuru-Nakazi Shopping Center musi weKirisimasi.

Vochema nemakondomu akashanda

Muchaneta Chimuka VAGARI vekwaSeke vari kugunun’una netsika yevamwe vanhu yekurasira makondomu akashandiswa pose pose, kunyanya panzvimbo dzekutandarira sepamabhawa, mamwe acho achizonhongwa nepwere dzichiatambisa.

Uku kuroya chaiko uku!

SVONDO rapera takaburitsa imwe nyaya inosuwisa pamwe nekushatirisa zvikuru — nyaya yemaporofita anonzi ari kushandisa weti yevanhu yakasanganiswa nemvura inogezeswa zvitunha kugadzira miteuro iyo yavanozopa vanhu vavanoshandira kuti vanwe kana…

Chikoro chitsva chovhurwa

Munyaradzi Musiiwa HURUMENDE yakavakisa chikoro chesekondari chitsva kunzvimbo yeNeta Ressetlement, kuMberengwa, nedonzvo rekuzadzikisa chirongwa chayo chekuti vana vari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva vawane mukana wekudzidza zviri nyore.

Vakatambwa negevha muchechi

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MURUME wekuChinhoyi wekunyepera vamwe vanamati vechechi yeZion Christian Church kuti anogona kuvapinza basa uye ndokuzovatsotsa mari nenhare dzavo akaigochera pahutsi zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kugara mujeri kwemakore…

Mashiripiti mungano

Munyaradzi Gunduza ZVIKONZERO zvekushandiswa kwemashiripiti mungano

Chimanda: Kutenda humhandara

Kingstone Mapupu KUBVA kare, kana musikana akaroorwa achiri mhandara, anobvisirwa mombe inonzi yechimanda iyo inopihwa kuvabereki vake nemukuwasha.

Ozvimbirwa nemari yechiokomuhomwe

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MURUME wemuHarare —wekunyepera kuti anoshanda kuZimbabwe Anti-Corruption Commssion (ZAC) uye ndokuzotsotsa munhu mari yake achibatsirana nevamwe vake vaviri — ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa nedare reChinhoyi…

Mabhonzo enguruve

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA NYAMA yemabhonzo enguruve inonaka zvikuru kana ikabikwa nemazvo.

×