Amai vakanwisa mwana muchetura

Kingstone Mapupu MUDZIMAI wechidiki wekuMarondera ari kurapwa muchipatara cheMahusekwa akachengetedzwa nemapurisa zvichitevera kunwa kwaakaita muchetura wemakonzo nemwana wake asi iye ndokurarama, mwana ndokufa.

Emery oda vamwe vatambi

UNAI Emery anovimba kuti Arsenal ichamutsigira muna Ndira uno nekumutengera vamwe vatambi, asi akaramba kutaura kuti Denis Suarez achange ari mumwe wacho here.

Fury adzoka mudariro

AIMBOVE shasha ine bhande retsiva reheavyweight – Tyson Fury – akadzoka kuMarbella nemurairidzi wake Ben Davison apo vari kugadzirira mumwe mutambo wemaround 12 uyo uchareva zvakawanda kumutambi uyu anozivikanwa saGypsy…

zgc yopinda mumakoreji

 ‘Kumbonyikidzwa kwevadzidzi bodo’ Daphne Machiri KOMISHENI yeZimbabwe Gender Commission (ZGC) iri kushanda nemayunivhesiti mukurwisa kumbunyikidzwa kwevadzidzi – kunyanya vanhukadzi – munyaya dzine chekuita nezvepabonde izvo zvinonzi zviri kudzorera shure budiriro…

Sanganisa guru nematumbu

Muchaneta Chimuka USAVI hwematumbu akasangana nemaguru nemuriwo wemashizha mudya ndakasungwa chaiwo kana zvikabikwa zvine hunyanzvi.

Madzibaba vakati chii kuna Chaminuka?

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa PAMARARAMIRO edu pachinyakare, midzimu nemhondoro zvaive mapristi aisvitsa zvichemo zvevanhu kuna Mwari/Musikavanhu. Neniwo kumusha kwedu hari dzedoro nezviyo zvaiendwa nazvo mugomo nemasvikiro achinokumbira mvura.

Zvototarisira muna 2019

Ticha danga TICHINOVHARA zvikoro kotoro yakapfuura, takaimba rwiyo tichionekana nevarairidzi vemugwaro rechitanhatu tichiti toenda kunozorora. Zvirokwazvo takazorora.

‘Hanger’ yekusota pfambi

Abel Ndooka MUMWE muporofita wechechi iri kuChitungwiza anoti anoshandisa hanger mukuita minana inoita kuti varume kana vakadzi vanenge vatiza muwanano vachinoita chipfambi vadzoke kumba.

Zviito zvevatambi

Munyaradzi  Gunduza SARUDZA vatambi vashanu vari muna Kereke Inofa ugoratidza zvinoitwa nemumwe nemumwe wavo zvausingafarire. Tsigira mhinduro zvizere. [25]

×