Budiriro yematunhu yotanga

Felex Share DARE reCabinet nemusi weChipiri chino rakapasisa zvisungo zvekuvandudza mutemo wezvekutongwa kwematunhu, weProvincial Councils and Administration (Amendment) Bill, izvo zvinodonongodza nzira dzichaita kuti matunhu akasiyana enyika ave nemasimba ekuronga…

‘Dzidzo ikodzero yemwana’

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vanoti zvakakosha kuti vana vose vawaniswe kodzero yekudzidza vakasununguka kuitira kuti vave neremangwana rakajeka.

Lochinvar ‘chitubu’ chedzidzo

Malven Mugadzikwa CHIKORO cheLochinvar Primary School, icho chiri muHarare, chiri kurumbidzwa zvikuru munyaya dzekupakurira vana dzidzo yemhando yepamusoro uye nekubura shasha mune zvemitambo.

Zuva revana rakapembererwa

SENZIRA yekukurudzira raramo yevana nekubatana pasi rose, sangano reUnited Nations International Children Emergency Fund (UNICEF) nomusi wa20 Mbudzi rakapemberera zuva guru revana nechinangwa chekusimudzira chirongwa cheZimbabwe Development Education Fund.

MAONERO EDU: Murimi gara wagadzirira

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department (MSD), rinozivisa kuti mvura inotarisirwa kutanga kunaya yakawanda kumatunhu mazhinji enyika kuvamba nemusi weChishanu chino zvichienda mberi. Kunaya kwemvura iyi yakawanda zvinogona kureva…

‘Zvinhu zvave kugadzikana’

Africa Moyo KUWANIKWA kwezvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose kunoratidza kuita zviri nani apo nyika yatarisana nenguva yezororo reKirisimasi zvichitevera matanho ari kutorwa neHurumende nechinangwa chekugadzirisa zvimhingamipinyi zvakatarisana neZimbabwe munyaya dzeupfumi.

Yellow bone iganda, rasta ivhudzi

naIgnatius Mabasa CHII chinonzi zita? Zita izwi kana kuti mazwi anotumidzwa munhu, mhuka, nzvimbo kana chinhu. Kana munhu, mhuka, nzvimbo kana chinhu chikapihwa zita, ndiro rachinozivikanwa kana kushevedzwa nacho.

Nyora zvinoverengeka

Munyaradzi  Gunduza KURUDZIRO yandingakupai ndeyekuti mushandise runyoro rwunoverengeka kuitira kuti vakwenyi vebvunzo vakwanise kunzwisisa mhinduro dzamunenge muchipa.

zrp vhu vachivhiya mombe yekuba

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI VARUME vaviri vekwaZvimba vakamiswa mudare reZvimba Magistrate Court vachipomerwa mhosva yekuba mombe uye vanonzi vakabatikidzwa nemapurisa vari mubishi kuvhiya mombe yacho.

Zvaireva mazita evarwi vehondo

Munyaradzi Gunduza TINOPEDZISA zvidzidzo zvinobva muna Kuda Muhondo svondo rino.

×