Oyamwiwa nechipoko
Kingstone Mapupu MUDZIMAI shirikadzi wekwaChihota anoti aoneswa nhamo nekuyamwiwa mazamu ake nechipoko chemurume wake icho chinouya kwaari achitochiona.
Seed Co yakabatsira vanotambura
Munyori weKwayedza KAMBANI huru munyaya dzekuuchika nekutengesa mbeu muno, yeSeed Co Zimbabwe, svondo rapera yakabatsira misha inochengetwa vanhu vanotambura nembeu yechibage nehupfu senzira yekudzosera kunharaunda dzainoshanda iri.
S Korea yotsigira kurima muZim
Muchaneta Chimuka SOUTH KOREA inoti yakazvipira kushanda nenyika dziri muAfrica munyaya dzebudiriro zvichitevera kuwanda kweminda inounza kudya izvo zvichaita kuti Zimbabwe iwane kudya kune utano uye kwakakwana.
Tsotsi kuita nhoko sembudzi
Ray Bande ari kwaMUTARE MURUME wekwaMambo Saunyama, kwaMutare, anonzi azofa ava kuita nhoko dzinenge dzembudzi uye pane fungidziro huru yekuti izvi zvakaitika mushure mekunge aba mbudzi dzevaridzi.
Handiende: Chiyangwa. . . ‘Ini ndini ndine yese’
Abel Ndooka MUTUNGAMIRI wesangano rinoona nezvenhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) – Phillip Chiyangwa – anoti kunyangwe zviite sei ndiye ari kutonga uye haasi kuzobva pachigaro chinopisa ichi.
‘pasina mwaa hapana rudo’
‘Varume vanonhuwa mukanwa’ Kingstone Mapupu KUTSVODANA pakati pevanhu vakaroorana mucherechedzo werudo rwukuru rwunenge rwuripo uye panochata mukadzi nemurume pane nguva inonzi vaviri ava vatsvodane — chaizvo kwete “mwaaa” kadiki.
Tsigirai makoreji ezvekurima: Shiri
Muchaneta Chimuka VADZIDZI 94 vepaGwebi Agricultural College nguva pfupi yadarika vakawaniswa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvavo zvekurima.
us$6 000 yejuju yava nyoka
Danisa Masuku ari kuBINGA MURUME wekuBinga wekunoromba mushonga wekupfuma kun’anga yekuMalawi ava kuzvidemba mushure mekunge apihwa juju yemashizha ayo ave kusanduka achiita nyoka inomunanzva muviri wose ichirwisa vana vake. Pane…
Batsiraiwo Mufaro Chanditeya
Muchaneta Chimuka VABEREKI vemwana mukomana ane makore 14 okuberekwa uyo ane dambudziko rekuoma mitezo avo vanogara kuMbare National, muHarare, vari kutsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kuenda kuchikoro chevakaremara.
Akadzipirwa mabanana e$1
Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MURUME wekwaZvimba akamiswa mudare reChinhoyi Magistrate Court achipomerwa mhosva yekuba nhare yemumwe musikana uyo akagara matunduru ndokumudzipa mushure mekunge atadza kumubhadhara $1 remabanana ayo akange akwereta.











