Zvikoro hokoyo: Mavima

‘Rwendo rwuno tinopedzerana’: . . . Zvakabuda svondo rapera kuti zvimwe zvikoro zviri kudzinga vana vasina kubhadharirwa mari apo vamwe vanoenderera Belinda Moyo HURUMENDE ichatora matanho akasimba kuvakuru vezvikoro vari…

Mombe tasa pamubhedha . . . Yakatopotsa yauraya muridzi

Gibson Mhaka ZVAARI MASHURA! Mombe dhonza bherengende kupinda mumba, tande kubheduru, ndokunorara mumagumbeze ari pamubhedha, ichibva yafirapo?

Oti kurohwa negudo, obva ashaya foni

Danisa Masuku MUSIKANA wekuLobengula Extension, kuBulawayo — wekubvutirwa broom negudo, ndokurohwa naro svondo rapera — anoti ane rushambwa sezvo musi uyu akabirwa zvakare nhare yake inokosha $60 nevanhu vaive pamvonga-mvonga…

Cholera ngaipere: Cabinet

Tendai Mugabe HURUMENDE yakaumba komiti inozivikanwa nekuti inter-committee iyo ichange ichitsvaga nzira dzekupedza zvachose kupararira kwechirwere chemanyoka echolera muHarare nedzimwe nzvimbo dziri kumativi mana enyika.

Mombe yekufira pamubhedha ‘Haisi yoga, yainge yagarwa’

Kingstone Mapupu NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyaya yemombe yekwaChiendambuya, kuManicaland – inonzi yakadzingirira muridzi wayo ichida kumutunga nekumutsika-tsika, iyo ndokuzopinda mubhedhuru make umo yakasvetukira pamubhedha, ichibva yangofirapo – ine chekuita nemabasa…

Bvunzo itsva dzeO- neA-Level

Rumbidzai Muparutsa VADZIDZI vanodarika 16 000 veO- neA-Level gore rino vachanyora mazamanishoni matsva pasi pechirongwa cheNew Curriculum ayo anosanganisira Physical Education, Sport neMass Diplays apo Hurumende ine chinangwa chekuti vana…

Mr Reggie adzoka zvakare mudariro

Lizzy Mushoriwa MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo weAfro-pop — Reginald Murinda — uyo anozivikanwa nezita rekuti Mr Reggie, adzoka zvakare mudariro zvichitevera kubura kwaakaita dambarefu rake rechina rinonzi  Reinforcement.

A-LEVEL — UGO HWAMADZINZ

Nhetembo dzepadare Munyaradzi Gunduza TSANANGURA rayiro dzinobuda munhetembo dzenhango dzepadare. [25]

Akafa ayamwiwa nemupurwa

Danisa Masuku MUKADZI wechikuru wemubhuku raThombankala, kuZhombe, mudunhu reMidlands, ari kunzi akatumira mupurwa kuti unoyamwa ropa remuzukuru wake izvo zvakazokonzera rufu rwake.

Unopfekwa sesutu naSatani

naIgnatius Mabasa MUNYIKA ino takagarisana nemweya mizhinji yakaipa, zvekuti dai Mwari vaimbotipa maziso emweya kuti tione, vamwe vedu tairohwa nehana tobva tafa.

×