Mr Reggie adzoka zvakare mudariro

Lizzy Mushoriwa

MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo weAfro-pop Reginald Murinda uyo anozivikanwa nezita rekuti Mr Reggie, adzoka zvakare mudariro zvichitevera kubura kwaakaita dambarefu rake rechina rinonzi  Reinforcement.

“Iri ndiro dambarefu rangu idzva rinonzi Reinforcement rinova rechina kubva pandakatanga kutsikisa mhanzi yangu. Dambarefu iri rinotaura pamusoro pekudzoka kwangu zvakare zvine mutsindo uye rine nziyo pfumbamwe dzinosanganisira Six Bullets iyo iri kunyanya kufarirwa nevanhu mumashoo atiri kuenda,” anodaro Mr Reggie.

Anoenderera mberi achiti, “Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira kanoti No to drug abuse apo ndinenge ndichikurudzira vechidiki kuti vasatore zvinodhaka uye pane kamwe kanonzi Girl child beware apo ndinotsiura vanasikana kuti vasatambe nehupenyu uye kuita zvechipfamabi sezvo kuine chirwere cheAids chiri kuuraya. Ndinoimba neChiRungu neChiShona zvese kuitira kuti vakawanda vanzwe mumhanzi yangu iyo inodzidzisa uye kudakadza veruzhinji.”

Muchinda uyu anoti muimbi akaita kuti ave chido nezvemimhanzi ndimuchakabvu Simon Chimbetu.

“Mukukura kwangu ndaifarira zvekuimba uye ndaiimba mumakwaya ekuchikoro zvakare, munhu akaita kuti ndinyanye kuda zvekuimba izvi ndiSimon Chimbetu sezvo mhanzi yake inondinakidza saka ndiri kuda kuvavarira kusvika paakasvika,” anodaro.

Anoti ane shuviro yekushanda nevamwe vaimbi pasina rusaruro.

“Ini ndinoda kuimba nemuimbi wese zvake nekuti muimbi wese akakosha. Vamwe vanoita zvemakwikwi mukuimba umu asi ndinoti hazvisi zvemakwikwi izvi asi kuda kufadza nekudzidzisa vanhu chete. Asi pane vamwe vaimbi vanoita mavhidhiyo vanhu vakashama ndinoti vasiyane netsika iyoyo nekuti mamwe acho haazoite kuona pane vanyarikani,” anodaro Mr Reggie.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×