Mvura yemuteuro yofashaidzwa

Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira machechi echipositori, reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), rinoti zvakakosha kuti vemakereke vatevedzere kurudziro yose iri kuitwa neHurumende mukurwisa kupararira kwechirwere checholera, kusanganisira kuti vanhu vasaungane.

‘Chivanhu, kunamata hatirege’

Kingstone Mapupu ZVISINEI nekurudziro iri kupihwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana yekuti vanhu vasaungane panzvimbo imwe chete uye vatore matanho ekurwisa kupararira kwecholera kuburikidza nenzira dzakadai sekusamhoresana nemawoko, kune vamwe vari…

Kuzvitonga kuzere

Munyaradzi Gunduza SVONDO rino tinoenderera mberi nemubvunzo watakatanga masvondo apera unoti; Sarudza nhetembo dzinobuda muna Rukuvhute dzinoburitsa dingindira rezvematongerwo enyika/hondo yeChimurenga.

Tiri pa’tight’: Dynamos

Abel Ndooka CHIKWATA cheDynamos chinoti kunyangwe zviite sei hachife chakabuda muligi reCastle Premiership zvisinei nekuti parizvino chiri panguva yakaoma apo chiri kuswedera pedyo nekuburitswa kuti chiende kunokwikwidza kuDivision One.

Ozil orumbidza Ronaldo

MESUT Ozil orumbidza Cristiano Ronaldo, uyo waakambotamba naye nhabvu kuReal Madrid, achiti mumwe wevatambi vepamusoro-soro pasi rose kwemakore akawanda. Vaviri ava vakatamba vese kuLa Liga kwemakore matanhatu ndokuhwina mikombe inoti…

‘Ndinokukwapaidza netsvina yemunhu’

Gibson Mhaka MURUME wekuBulawayo uyo aimbova mupurisa — nyakumiswa mudare redzimhosva nenyaya yekupamba pamwe nekurova aimbove mudzimai wake —svondo rapera akadzokazve mudare achipomerwa kugara achityisidzira mukadzi uyu kuti achadira tsvina…

Chimbwamupengo – vet

Kingstone Mapupu BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo nedzimwe mhuka, reDepartment of Livestock and Veterinary Services, rinoti nyama yezvipfuyo zvakaita semombe zvinenge zvafa nekuda kwechirwere chechimbwamupengo haidyiwe nevanhu sezvo vanoidya vanogonawo kubatwa…

zvidhoma ‘zvokedebura’ maticha

Whinsley Masara MATICHA epachikoro chiri kuTsholotsho – icho chakatadza kuvhura pakutanga kwetemu ino mushure mekunge vashandi ava vatiza kushungurudzwa nezvidhoma izvo zvinoenda navo pabonde – vari kuti vagari veko vanofanirwa…

Cholera: N’anga dzapindira

Kingstone Mapupu MUKURU wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti zvakakosha kuti n’anga nemaporofita vabatsire mukurwisa kupararira kwecholera munyika.

Ziva nezvecholera’

Muchaneta Chimuka CHIRWERE checholera chakaipisisa zvikuru nekuti chinokonzera kupera kwemvura yemumuviri mukati menguva diki kuburikidza nekurutsa uye kuchaya manyoka, izvo zvinogona kuita kuti munhu afe kana chikanonoka kurapwa.

×