Tinokunda: Sunday
‘Tave kutarisa zvemberi’ Abel Ndooka APO chikwata chenyika chemaWarriors chiri kupinda muhondo svondo rino yekurwira tikiti rekuenda kunokwikwidza kumutambo weAfrica Cup of Nations 2019 Cameroon (Afcon) Qualifier, maziso ese achange…
Varimi vakahwapura mibairo
Muchaneta Chimuka VARIMI vedonje avo vakabva kumatunhu akasiyana svondo rapera vakatunzvaidzwa nekuwaniswa mibairo yekugona kurima chirimwa ichi mumwaka wadarika kuHarare Agricultural Show.
Mukuwasha orova ambuya
Lizzy Mushoriwa MUKUWASHA anonzi akamuka chibhebhenenga mushure mekunge arambidzwa kuona mwana wake uyo ari kugara neaimbove mudzimai wake zvikaita kuti atema ambuya vake nezidombo.
Zvikomba zviviri: Mimba 1
Muchaneta Chimuka MUKOMANA wekuMhondoro-Ngezi akapotera kudare ramambo weko mushure mekunge atizirwa nemusikana uyo anoti ane pamuviri pake zvisinei nekuti ari kudura pachena kuti aipinda pabonde neshamwari yemuchinda uyu yepamwoyo panguva…
Makuwerere kuTrust Academy: Vadzidzi 100 vakawana zvitupa
Muchaneta Chimuka VADZIDZI 100 vekuTrust Academy svondo rapera vakawaniswa zvitupa zvekupedza dzidzo uye ichi chiitiko chekutanga kuona vadzidzi vepakoreji iyi vachigirajuweta.
Vogara nenyoka ‘dzechivanhu’
Kingstone Mapupu MAZINYOKA erudzi rweshato ayo ari kuonekwa mumusha waNhemachena, pedyo nepaGuruve Growth Point, kwaChupuriro, kuGuruve, ave kuita kuti vagari veko vagare vazere nekutya kukuru.
Juventus inotora mukombe: Messi
LIONEL Messi anoti Juventus inogona kuhwina mukombe weChampions League mwaka uno ichitadzisa chikwata chake cheBarcelona zvichitevera kutenga kwayakaita Cristiano Ronaldo uye achiti Real Madrid haichisina mukana.
Amai vakawana mwana achinanzviwa neshato
Kingstone Mapupu AMAI vemwana ane gore nemwedzi misere yekuberekwa vekwaMusana, kuBindura, vakapotsa vafenda apo vakasvika paive nekamwanasikana aka ndokuwana kachinanzviwa muviri wako wose nemusvesvenenga wezishato – iye akatopfavirira. Nyaya inoshamisa…
Mudzimai kungonorara?
Lizzy Mushoriwa MUMWE mudzimai anoti murume wake anomushungurudza zvekuti anomuudza kuti haafanirwe kunorara husiku kusvikira iye atomupa mvumo.
Chimoto chemba yenhaka
Lizzy Mushoriwa CHIREVO chinoti pfuma yenhaka inoparadza ukama chinozadziswa nenyaya yevanakomana vaviri avo vari kurwira sitendi yakasiiwa nababa vavo vanova mushakabvu zvekusvika pakuchekana nemapanga.








