Modzivirirwa typhoid
Paidamoyo Chipunza VANHU vanodarika 300 000 vane mwedzi mitanhatu yekuberekwa kusvika pamakore 45 vekuMbare, Glen View, Kuwadzana neBudiriro vachange vachibaiwa majekiseni ekudzivirira utachiona (bacteria) hunokonzera chirwere chetyphoid mumwedzi waGunyana uno.
Muimbi otsvaga rubatsiro
Kingstone Mapupu MUIMBI wenziyo dzechitendero anorarama nehupofu wemumusha weEmakhandeni muguta reBulawayo anoti atambudzika zvikuru nekushaya rutsigiro rwekuti atsikise nziyo dzake.
Maticha batsirai nyika – Murwira
Sharon Chigeza naEmmah Chinyamutangira HURUMENDE inoti iri kukurudzira varairidzi vanenge vapedza zvidzidzo zvavo kuti vazvipire mubasa ravo nekushandisa ruzivo rwavanenge vava narwo mukusimudzira budiriro yenyika.
Makati Ed pfee, totiwo makorokoto!
Mukwende Washe KUSHAIKWA pandima mazuva apfuura aya tange tiri pane imwe ndima. Pfungwa dzichitenderera, maziso nerimwe divi ainyatsoongorora kuda kuona kuti zvii zvichabuda musarudzo.
Mayweather oyambira Nurmagomedov
FLOYD Mayweather oyambira Khabib Nurmagomedov apo akatarisana nemutambo wake naConor McGregor weUFC 229.
Veruzhinji vochema nemitengo
Muchaneta Chimuka VERUZHINJI vari kuchema-chema nekukwira zvisina tsarukano kwemitengo yezvinhu vachiti mari dzavo hadzichaenderana nezvavanoda mukurarama.
Zvakabuda pabvunzo dzeO-level zvaveko
Abigail Mawonde ZVAKANYORWA nevadzidzi mubvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzeO-Level mumwedzi waChikumi gore rino zvakabuda uye vakuru vezvikoro vanokwanisa kunozvitora kutanga nemusi weChitatu chino.
Kurima lettuce nemazvo
Clemence Mucharedzeyi LETTUCE (lactuca sativa), chirimwa chinonzi chakabva nekumabvazuva sekuIndia, inorimirwa mashizha ayo anondyiwa ari mambishi musaradhe (salad). Ine zvinovaka muviri zvakaita seVitamin A nezvimwewo.
Akabaya mwana ‘waboss’ nebanga
Kingstone Mapupu MURUME wekutsvaga basa remaricho pane mumwe musha mubhuku raNyarenda Village 2, kuHurungwe, akazoguma oda kubata chibharo mwanasikana wepo uyo waakazobaya nebanga akakuvara zvikuru apo aimurwisa.











