Tsigirai Emery: Mkhitaryan

HENRIKH Mkhitaryan anoti anofunga kuti sitayera yekutamba nhabvu yaUnai Emery ichabhadhara zvikuru kuArsenal uye anokurudzira vatsigiri vechikwata ichi kuti vatsigire murairidzi wavo mutsva uyu.

Chizvarwa chekuSpain ichi chakakundwa mitambo yacho miviri yekutanga agadzwa pachigaro chinopisa zvichitevera kutsiva kwaakaita Arsene Wenger mwaka uno.

MaGunners akakundwa 2-0 neshasha dzePremier League, Manchester City, mumutambo wekutanga ndokuzokundwa unotevera 3-2 neChelsea musi weMugovera, kunyangwe akambomira-mira akanwisa kaviri.

Mkhitaryan anoti Emery anoda nguva yekuronga tsoro dzake muchikwata ichi sezvo ari kuedza kushandura mashandiro aiitwa naWenger uyo akarairidza Arsenal kwemakore 22.

“Hazvina kunyanyosiyana asi pane zvimwe zvakangosiyana hazvo nekuti vanhu vaviri ava vakasiyana uye vari kutamba kana kufunga nezvimwe zvakasiyana,” anodaro.

“Emery akachengeta mafungiro aWenger asi ari kuvaka zvimwe zvitsva. Anoziva kuti anogona kuunza zvimwe zvinhu zvitsva kuchikwata chino. Hazvisi nyore nekuti zvinoda nguva chete.

“Tinofanirwa kuramba tichishanda nesimba nekuti tine murairidzi mutsva, mafungiro matsva uye tinoda kutamba nenzira yakasiyana sepanguva yaWenger,” anodaro. – Sportsmail Football

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *