Tsigirai Division 1: Mushonga

Abel Ndooka
MUNYORI mukuru weZifa Northern Region Division One, Sweeney Mushonga, anoti makambani akawanda anofanirwa kutsigira nhabvu yeDivision One neTwo sezvo kuriko kunobikwa vatambi.
Apo pavasisina mitambo yemikombe inoona zvikwata zvemuPremier League zvichitatsurana nezvemaDivision ari pasi, Mushonga anoti mitambo iyi inofanirwa kudzoswa sezvo ichibatsira kusimudzira nhabvu yemuno.
“Mazuva ano zvikwata zviri mumaDivision pazvinowana mukana wekutamba nezvemuCastle Premiership panguva yepre-season chete, hapanazve pamwe pazvinosangana nazvo.
“Izvi hazvina kunakira nhabvu yedu nekuti zvikwata zvedu zvinofanirwa kumbomhanyisana nezvemuCastle Premiership sezvatinomboona kune dzimwe nyika.
“Zvakatonakira isu nhabvu yedu sezvo zvichibatsira kuti zvikwata zviwane mari uye kusimukira kwevatambi kuti vaonekwe nezvimwe zvikwata zvepamusoro,” anodaro Mushonga.
Zvakadai, svondo rino kuchange kusingadanwe anonzwa apo zvikwata zvepamusoro zvemuDivision One zvichange zvichitatsurana. Mushowani Stars – iyo iri kutungamira palog mumujaho wekurwira kupinda muPSL – iri kuenda kuMorris Depot uko ichasangana neZRP iyowo yakagara pechitatu palog. Cranborne Bullets, iyo iri kufemera mugotsi meMushowani Stars, ichasangana neHarare City Cubs musi weSvondo kunhandare yeRufaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *