Ndinochaiwa namadhamu’

Lizzy Mushoriwa

MURUME samusha wekugara achirikitwa kurohwa nemudzimai wake anoti akazotiza pamba otya kupondwa.

Charles Chisipo akamhan’arira Daisy Kazombe kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushungurudza. “Mambo wangu, mukadzi uyu anondirova chaizvo uye kundituka. Izvozvi ndakabva pamba mushure mekunge andidzinga uye ndakatobva ndichityira upenyu hwangu.  “Asi zvino ndava kuda kudzokera nekuti ndipo pabasa pandinoshanda. Mambo wangu, ndanzwa nekurohwa uye kushaiswa mufaro nemukadzi uyu saka ngaabve zvake pamba apa,” anodaro Chisipo.

Achipawo divi rake, Kazombe anoti zvese zvinotaura nemurume wake manyepo.

“Zvese zvaatura manyepo, uyu murume wangu asi kana achida gwaro redziviriro mupei zvenyu,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chisipo gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *