Kuita chipfambi uine pamuviri, kacheche

Kingstone Mapupu NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti mudzimai akaroorwa akangoita chipfambi iye aine pamuviri, ozorega kureurura, anosangana nematambudziko makukutu pakusununguka kana kuti mwana waanobara anofa zvisinganzwisisike.

Fury otatsurana naWilder

TYSON Fury anoti vakanyorerana pasi chibvumirano nevamiriri vaDeontay Wilder kuti vaviri ava vagorwe mumutambo weheavyweight muna Zvita kuLAs Vegas.

Hart ave kuBurnley

JOE Hart akabva kuManchester City achienda kuBurnley.

Akafa anwa mapiritsi emukoto

Kingstone Mapupu MURUME wekuWestern Triangle, kuHighfield, muHarare, anonzi akafa mushure mekunwa mapiritsi akatengwa pamusika wemukoto ayo ainzi ndeekupodza marwadzo emakumbo.

Zvakakoshera kuyamwisa vana

Muchaneta Chimuka SVONDO rino Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kupemberera World Breast Feed Week. Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kuyamwisa Ndiwo Musimboti Weupenyu”. Sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s…

Arsenal yopfeka Adidas

ARSENAL ichatanga kupfeka majezi anogadzirwa neAdidas kutanga gore ra2019 ichibva kune ePuma ayo yange ichipfeka bvira makore adarika. Chibvumirano nePuma change chichiona chikwata ichi chichipihwa mari inosvika 30 miriyoni paunzi…

Vofundisa vasikana kugadzira ma’pads’

Rudo Muchedzi SANGANO rakazvimirira reRise Up and Shine riri kubatsira vanasikana vekumaruwa nekuvadzidzisa kugadzira ma“pads” ayo vanoshandisa panguva yavo yokutevera.

MAONERO EDU: Mhirizhonga yabva nepi?

SVONDO rapera, muHarare makaitika chiitiko chinosuwisa apo pakamuka mhirizhonga yezvematongerwo enyika zvikaita kuti vanhu vatanhatu varasikirwe neupenyu uye vamwe ndokukuvara.

Nako kukodza mutauro netsumo

Ticha Danga KUDZAMARA mapfupa ati mbombombo kuibva, tinoramba tichikwichidzira matanda. Hatizomiri kana hadyana yedu isati yadavira nokuti vavariro yedu ndeyekuti kana vaya vana mavende mukanwa, vagowanawo chekusvada kana nguva yekudya…

‘Chako chimbuzi bedzi pamba pano’

Lizzy Mushoriwa MURUME wekudhonzerwa kudare nemudzimai anoti haana kumuroora asi kuti vari kungochaya mapoto achinzi ari kumushungurudza, akachema-chema kuti asadzingwe pamba sezvo asina kumwe kwekunogara.

×