Kuramwa sarudzo, madiro aJojina!
VANABABA navanaamai vari mudzimba, pavaitsvetsvana, musikana aiti akatarisa mudenga, odambura huswa, otsenga-tsenga; kana paine kamuti ipapo, mashizha anoita kunge achapera munhu achingodambura-dambura, gumbo richinyora-nyora pasi.
‘Une mazuva 2 bedzi panyika’
Lizzy Mushoriwa— MUMWE mukadzi anoti ave kugara akabatira hana yake mumaoko zvichitevera kuudzwa kwaakaitwa neaimbova mudzimai wemurume wake kuti asarirwa nemazuva maviri chete ekuti ararame achimupomera kuti akamutorera murume uyu.
Mangwanani akave manheru nekuchema 2
IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa MAMBO Rugare vakanga vasisina tariro yekuti nyika yavo ichazove nemwenje zvakare. Nekuda kwaGororo, nyika yese yakanga yazara rima, kunhuhwa nenhunzi.
Chirongwa chemateneti kuvashandi
Geraldine Tendai Kabaya— KUSHANDA basa rakati tsvetere kwakakosha sezvo kuchiita kuti upenyu hwevanhu hureruke, zvikuru sei munyaya dzeutano nekuchengetedzeka.
WC: Africa iri kurasika papi?
KUBURITSWA kwakaitwa zvikwata zvemuAfrica mumagroup-stages emutambo weWorld Cup — uyo uri kutambwa kuRussia pari zvino — kwakakatyamadza vatsigiri venhabvu vazhinji avo vane mubvunzo mukuru wekuti Africa inombotumirei zvikwata kumakwishu aya…
Bishop akabvisa baba sikarudzi
‘Inhema, vane godo neni’ BISHOP wechechi yeJekenisheni kuBuhera, kuManicaland, ari kupomerwa nehama dzake kuti akacheka ndokubvisa nhengo dzesikarudzi pachitunha chababa vake, izvo anonzi akatiza nazvo akaenda kusina anoziva kuti akanoitei…
Zvambura mari nemadomasi
Bright Musakanda— TINOKUKWAZISAI varimi kumativi mana enyika. Muchinyorwa chedu chanhasi — icho chamunounzirwa nenyanzvi pakuuchika mbeu dzemuriwo nedzemafuro, Prime Seed Co — tati timbotarisa marimirwo akanaka emadomasi.
Vazhinji voziva kurera mhuri
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti riri mushishi kushanda rakabatana nemamwe mapoka akasiyana mukusimudzira nyaya dzekurera mhuri izvo zvaona vanhu vari kuwana nzira dzekurera mhuri vachisvika chikamu che66% pachisara paine mukaha…
Kubika howa nemazvo
Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka— HOWA hune kudya kunovaka muviri kunodaidzwa kuti mapuroteni uye mudya ndakasungwa kana huchinge hwabikwa zvine unyanzvi.
Muporofita chidhakwa akatsva zvekuita dota
. . . zvekusara aita dota MUPOROFITA wekuEpworth, muHarare — uyo anonzi anga ari shasha yekuridza mbira achinwa doro remusombodhiya – anonzi akatsva zvekuita dota mushure mekunge imba yaaiva yabatira…







