‘Handi zvitsva, zvinoitika’
MACHIREMBA nenyanzvi dzezvechivanhu vanoti zvinokwanisika kuti mwana azvarwe aine nhengo mbiri dzesikarudzi.
Gwenyambira odzidzisa vamwe
Gamuchirai Muzanenhamu— GWENYAMBIRA anova mudzidzi wepaBelvedere Technical Teacher’s College, muHarare osimudzira vamwe, kusanganisira maKristu, vane zvipo zvekuridza mbira kuburikidza nekuvafundisa.
Zvikoro zvopihwa mabhuku matsva
Abigail Mawonde— HURUMENDE yakatenga mabhuku ekuverenga 2,3 miriyoni evana vechikoro neevarairidzi ayo anokosha mari inodarika $3,5 miriyoni rinove danho richasimudzira kufambiswa nekukasika kwechirongwa cheNew Curriculum.
Vokohwa pakuru neSyngenta
SHAMBADZO CHIRONGWA chekumema munda wemumwe murimi mukuru – VaCharles Mukewa – vekuAberfield, kuKwekwe nguva pfupi yadarika chakabudirira zvikuru uye chakapindwa nevarimi vanodarika 200 nevarimisi veAgritex makumi mashanu avo vaibva kumatunhu…
Chabvondoka kuNash Stella Netball
ZVIKWATA 12 zvenetball zvemuzvikoro svondo rinotevera zvichatatsurana mumakwishu eNash Stella Netball 17 and Under Tournament ayo achaitirwa pachikoro chePamushana High School, kuMasvingo.
Amai muri pfambi: vana
‘Dangwe makaita nechikomba’ MUDZIMAI wekuBindura anoti aoneswa nhamo nevana vake vekubereka avo vari kumupumha kuti akaita chipfambi akabereka mwana wake dangwe uyo vari kuti haasi wepamusha apa.
N’anga inorapa neropa revanhu
N’ANGA yekuMbungu, kuGokwe, iri kupomerwa nevagari veko kuti inorapa vanhu ichishandisa mishonga inenge yakasanganiswa neropa revanhu vakafa.
Asensio orambira kuMadrid
MARCO Asensio (22) acharamba ari kuReal Madrid mwaka unotevera, semashoko akabva kumumiriri wake.
Migwagwa yogadzirwa kuBuhera
MUGWAGWA unobatanidza Murambinda, kuBuhera, neBirchenough – uyo une makore wakashata – wava kuzoiswa tara, rinova danho riri kutarisirwa nevagari veko kuunza budiriro.
Homelink yovaka dzimba dze$8 miriyoni
KAMBANI yeHomelink Private Limited — iyo iri pasi pebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) — yakaparura chirongwa chekuvaka dzimba dzinokosha $8 miriyoni kuBrockdale, kuBindura, kudunhu reMashonaland Central.











