VANABABA navanaamai vari mudzimba, pavaitsvetsvana, musikana aiti akatarisa mudenga, odambura huswa, otsenga-tsenga; kana paine kamuti ipapo, mashizha anoita kunge achapera munhu achingodambura-dambura, gumbo richinyora-nyora pasi.
Ndizvo zvarwunoita rudo musati mapinzana mumba. Nokuti paunongomuisa mumba chete kuti ava wako, tinonzwa zvakare kuti wave kutotsvaga mumwe, uya woraswa.
Uyawo kana akaona kuti zvapamusha pano hazvina mugoni, anotanga kutamba sitaera – zviya zvinonzi, “Kana ndoda kuramba murume munondiona.”
Mumazuva gumi ari kutevera, vana veZimbabwe vamwe muchamukira runyanhiriri kunobata mutsetse wokuvhota nokuti sarudzo ndicho chimwe chinhu chikuru chatakapihwa chiri mubumbiro romutemo.
Masvondo apfuura aya, Mukwende akange achitaura nezvehuwandu hwemapato nevanhu vachakwikwidza musarudzo dzomusi wa30 July, kusanganisira zvivimbiswa zvinotaurwa nemamwe mapato.
Asi, pane chatava kuona. Pane mamwe mapato anoita sevasikana vari kupfimbwa – vave kuti pamunhondo, pamusasa.
Vanhu vangatenderera nenyika, zvinhu zvinodya mari yakawanda kudaro, vachitendererera kuitira kuti kana mazuva esarudzo ave kuswedera, vobva vati, “havachada kukwikwidza nokuti sangano rinotungamirira sarudzo reZimbabwe Electoral Commission harisi kufambisa zvinhu zvakajeka, uyewo riri kurerekera kudivi rimwe chete? Saka taramwa. Masangano eSouthern African Development Community (SADC) neAfrican Union (AU) ngaaone zvokuita. Kana vakasabata nyaya iyi zvakanaka, tinodaidza masahwira edu ari muEuropean kana kuAmerica kuti vapindire.”
Haasi iwo mashoko chaiwo ari kutaurwa nesangano reMDC Alliance rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, asi kaitiro kavo kubva pavakaona kuti President Mnangagwa nebato ravo reZanu-PF pavakamira ipapo pokuti sarudzo dzegore rino dzinenge dziri “free, fair, credible”; uyewo dzichiitwa pasina mhirizhonga hapana anovatakanura.
Vakamira nechokwadi ichochi, nokuti vanoziva kuti kupihwa chiremera navanhu, nenyika dzepasi rose hunge maita sarudzo dzisina kupokana.
Saka mapato anopikisa, kunyanya MDC Alliance, vabva vaziva kuti zviya zvatakange tazivira kuchema nazvo zvokuti kune mhirizhonga, hazvishande gore rino nokuti HAKUNA.
Ane twake, kunyanya achiziva kuti akatarisana nesarudzo dzaacharakashwa zvokurakashwa zviye, haashaye zvimwe zvaangatsvage kuti zvingonzi chete zvabuda musarudzo ngazvisagamuchirwa.
Iye zvino vanoita kunge vane shungu zvikuru dzokukwikwidza; vobuda dikita vachishambadza kuti ndivo vachakunda nokuti President Mnangagwa nebato reZanu-PF havana kana mukana nepadiki pose.
Kana musati mambovanzwa vachitaura VaChamisa nevamwe vavo vanaVaTendai Biti, endai pamichina yamazuva ano yeYouTube, monzwirira. Zvanzi musi wa1 Nyamavhuvhu ndivo vanenge vave panyanga. Vanotaurawo kuti musi wa1 Nyamavhuvhu mabhara nemazimotokari achauya muZimbabwe azere nemari.
Kungofuratira kudai, woona zvave zvimwe. Vanoita sevanhu varohwa nezvivanda. Vamwe vanotaura kuti sandu kuminya yavanoita vachiti pamunhondo, pamusasa ndeye vanhu vanoziva kuti vakatarisana nokudyiwa. Vanotiwo kuratidzira kwatiri kuona panguva yokunotsvaga mavhoti muvanhu – matandanyadzi, kana kuvarura zviri mberi zvokuzoti sarudzo hadzina kujeka.
Iye zvino vati karamata nesangano reZEC, nasachigaro waro Justice Priscilla Chigumba. Ruzha rwacho nderwokuda kunzwikwa chete, kuti masangano enhau atarisane nezvichemo zvavo, kwete kuti mumazuva iwaya gumi asara, gadziriro dziri kufamba sei.
Asi sokuona kwatiri kuita, imhere kumombe yeMDC Alliance chete. Kune mamwe mapato ari kukwikwidza, vanoziva kuti kuridza mhere handizvo zvinopedza nyaya. Kana paine zvinoda kugadziriswa, ngazvitange nemumba menyu. Mazotadza kuwirirana, moenda kuna mutongi gava.
Iko kuSadc nekuAfrican Union kwavari kumhanyira, muno hamuna vanamutongi gava here? MuZimbabwe ndimo chete here munotyorwa kodzero dzavanhu vanoda kuita sarudzo?
Nyika dzese dzemuAfrica nepasi rose vanoita sarudzo, dzinotungamiririrwa nemasangano akazvimiririra akaita seZEC, asi hatisati tambonzwawo vachimhanya kuZimbabwe kuti huyai mutionerewo dambudziko ratapindana naro. Pamusana pei zvichingowanikwa muZimbabwe, kumapato anopikisa?
Zvakasvikawo kuna Mukwende kuti kune dzimwe nyika dzinozviita vatsvene dziri kusaidzira bato reMDC Alliance kuti rione kuti sarudzo dzomusi wa30 July hadzisi kuzoitwa, kana dzikaitwa, dzive nemvonga-mvonga. Tinozviziva nokuti havana kumbobvira vada bato reZanu-PF.
Zvino chitima hachimiriri vana Chiramwiwa. Sarudzo dzinoitwa kamwe chete mushure memakore mashanu. Vakasada kupinda dzegore rino, MDC Alliance handivo vega bato rinokwikwidza. Vanozozviona muna2023. Madzishe akatosarudza vatungamiri vavo musi weChitatu svondo rino.
Saka sokutaura kwakaita Justice Chigumba, kunze kwokuti kwaitika kudengenyeka kwepasi, sarudzo dzomusi wa30 July dzichangoitwa. Aramwa, madiro aJojina.




