‘Une mazuva 2 bedzi panyika’

Lizzy Mushoriwa—

MUMWE mukadzi anoti ave kugara akabatira hana yake mumaoko zvichitevera kuudzwa kwaakaitwa neaimbova mudzimai wemurume wake kuti asarirwa nemazuva maviri chete ekuti ararame achimupomera kuti akamutorera murume uyu.

Alice Mazvinyu akamhan’arira Mavis Kadande kudare reHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Amai ava vainge vakaroorwa nemurume wangu ndokurambwa. Ini ndakazoroorwa nemurume uyu uye akabvisa mari kumba kwedu. Saka amai ava vava kugara vachindituka kuti ndiri pfambi vachiti ndakavatorera murume,” anodaro. Anoenderera mberi achiti, “Zvakare havabve kubasa kwangu uko kwavanoswera vachindituka.

“Vakambouya kumba kwangu vakapwanya mahwindo vakandiudza kuti ndasarirwa nemazuva maviri ekurarama chete. Zvino ndava kugara ndichitya pamusaka pemashoko aya,” anodaro Mazvinyu.

Kadande anoudza dare kuti haashungurudze Mazvinyu uye haaende kubasa kwake asi kuti iye ndiye akatouya kuzoshandira pedyo nemusika wake.

“Amai ava vanoreva nhema, ini handimushungurudze uye kubasa kwake handiende. Iye ndiye akatouya kuzoshandira pedyo nemusika wangu saka dai ndaimushungurudza aiuya here?

“Ari kugara nemurume wangu nekudaro baba havachachengete vana pamusaka pake,” anodaro.

Anoti haana kurambana nemurume wake uye akatoorwa pachivanhu.

“Ini nemurume wangu hatina kurambana kwete asi pane zviri kungonetsawo hazvo. Akanditora pachivanhu chaipo. Asi amai ava ndivo mharadzi yemba yangu,” anodaro Kadande. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mazvinyu gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *