‘Hatidi mhirizhonga’

Vhimai vakabhomba kuByo’ ‘Zimbabwe inoda runyararo RUZHINJI muZimbabwe vari kushora mabasa ehugandanga zvichitevera kubhombwa kwakaitwa vanhu vaive pamusangano webato riri kutonga reZANU-PF apo paive nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa, nemusi weMugovera…

Murume oudzwa kuti . . .

Janet Chari— MUDZIMAI anogara kuBorrowdale, muHarare, anoti ari kushaiswa rugare neaimbove murume wake uyo anongomuteverera kwose kwaanoenda izvo zvave kuita kuti vamwe varume vari kumupfimba vapedzisire vawora mwoyo.

‘Murume akatorwa ini ndiri kuruzevha’

Janet Chari— MUMWE mudzimai anoti akagurwa kunorira apo akazoziva kuti mukadzi waaichengeta achifunga kuti anoshanda pamwe chete nemurume wake anotova nyachide.

Kushandisa pfekedzo muzvinyorwa

Ticha Danga— TINOISIMUDZIRA ndima yedu tichienda mberi apo tinoda kumutsiridza nyaya yepfekedzo. Ndakabata zvishoma muvhiki rakapfuura apo taiona kukosha kwekupfekedza zvirevo zvedu nevara guru.

Gonyeti rehuipi rapera dhiziri

IMBWA HAIHUKURE SADZA TAKAMIRIRA kunzwa kuti mombe yekwaZimunya, kwaMutare, yekutaura chiManyika yakazotaura zvimwe zvekuti kudii? Ndaifunga kuti semombe, ichataura nyaya dziri pamusoro pekudyiwa nyama, kukamwa mukaka nekurimiswa mumunda nevanhu.

‘Mukoma imbavha, uku oti makaro’

Gamuchirai Muzanenhamu— MUNIN’INA akaendesa mukoma wake kudare redzimhosva achiti ari kupinda mumba make achimubira nekumudyira chikafu chake.

Kasikana konyora mabhuku

MUSIKANA wechidiki, Michelle Nakai Maruta (20), ave kuita zvinorova nekunyora mabhuku eShona neechiRungu ayo aanoti ari kufarirwa nevanhu uye ari kuatengesa padandemutande (online) izvo zviri kuita kuti awane chouviri.

Murume oendesa mabhurugwa amadhamu kun’anga

PANE madzimai maviri anga akaroorwa pabarika ayo ari kupomera murume wavo kuti akatora zvipfeko zvavo zvemukati, ndokuenda nazvo kun’anga yechiMalawi yemuHarare uko zvakanogadzirwa nemishonga achiitira kuti “vakwangaye” kana kufa.

Akadzoka kujeri mukadzi atorwa

Janet Chari— MURUME wekumbopika jeri kwemakore manonwe mushure mekunge aponda shamwarikadzi yake anonzi amuka chibhebhenenga zvakare nekugara achizvambaradza aimbove mukadzi wake achiti anoda kuona mwana wake uyo waasati aona kubvira…

‘Kuroora’ mwana kwamupinza mumoto

KUTIZIRWA nekasikana kasati kabva zera kwakapindukira mumwe murume wekwaSeke apo akadhonzerwa kumatare nemhosva yekupinda pabonde nepwere.

×