Matambudziko evatambi

Munyaradzi Gunduza—

MUMABHUKU ese enganonyorwa munoburitswa matambudziko achiwira vatambi. Nzira dzinoburitswa ndidzo dzinosiyana asi matambudziko anonyanya kuonekwa mumabhuku akafanana nekurohwa, kutukwa, kushaya mbereko, urwere, nzara, hondo nemamwewo.

Mamwe ematambudziko anowira vatambi vari muna Manyambiri anosanganisira;

Kushaiwa mbereko. Izvi tinozviona kuna Rufuse naNdakasemwa vanonzi vakanga vaita makore mazhinji kwazvo vachishaiwa mbereko kudzimara vazoiwana ndokuzvara mapatya. Nduramo naPaido vakatora nguva refu kwazvo vasati vawana mbereko zvinoita kuti Paido afunge kudzokera kumusha kwavo.

Vatambi vanowirwa nematambudziko ekushaiwa mbereko. Tinozviona kuna Ndakasemwa paanonetsana naShayamano pamwe chete naNyadziso. Vaviri ava vanotanga kumukutsanira vachimurova zvikuru kusvika azorandutsirwa naRufuse.

Vatambi vanosangana nematambudziko eurwere. Mambo Njeremavhu naNduramo vanorwadziwa zvikuru nemudumbu pavanopihwa chikafu chainge chakarungwa muchetura naPaida zuva ravanoshanya kumusha kwaRufuse.

Vatambi vanosangana nematambudziko ekupomerwa. Tinozviona kuna Ndakasemwa uyo aigara akapomerwa naShayamano naNyadziso kuti pamusha pavo pakawana mwana arwara chero nedzihwa chairo ndiye ainzi muroyi.

Tinoenderera mberi svondo rinouya tichiita ongororo yakadzama.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *