President Mnangagwa vapunyuka kuputiika kwaitika pagungano reZanu-PF

na Mabasa Sasa naTendai Mugabe vari kuBulawayo Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vapunyuka kuputika kwaitika pasiteji apo vanga vachangopedza kutaura pagungano rezviuru zvevatsigiri veZanu-PF munhandareyeWhite City muguta reBulawayo. Mutevedzeri wavo Cde…

Nac yopa vatori venhau mibairo

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) richange richipa vatori venhau mibairo yavo yepagore kuBulawayo nomusi weChina, Chikumi 28, senzira yekuvakurudzira kuti vange vachinyora zvakanyanya maringe neHIV neAIDS.

Anglican Church yovaka chikoro

CHECHI yeAnglican Diocese of Harare (CPCA) iri kuvaka chikoro chepuraimari mumusha weCaledonia, muHarare, nedonzvo rekusimudzira dzidzo munyika.

Kurimwa kwemichero kosimudzirwa

HURUMENDE yakatanga chirongwa chekumutsiridza kurimwa kwemiriwo nemichero kuitira kuti zvinge zvichitengeswa kumisika yekunze kwenyika apo misika yakawanda iri kuratidza kuva nechido chekushanda neZimbabwe kutanga mumwaka wa2018/19.

‘Vechidiki zvibatei’

VECHIDIKI vokurudzirwa kuti vazvibate senzira yekuzvichengetedza kubva kuzvirwere zvepabonde zvinosanganisira HIV neAIDS.

Tiri mumadhaka: Mutasa

MURAIRIDZI weDynamos FC – “Lloyd Samaita” Mutasa – anoti pavamire parizvino semaGlamour Boys palog table hapafadze, handipo pavo chaipo uye zvakafanana nekuve mu “madhaka” nekudaro vari mushishi yekugadzirisa mamiriro ezvinhu…

‘Vane nharo huyai muzvinzwire . . .’

Mombe iri kutaura chimanyika ‘feya-feya’ Abel Zhakata ari kwaMUTARE— MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuromba kana kuti huroyi, pane mhuri igere kuDora Dombo, chinhambwe chipfupi kubva maMutare, iyo yaona moto…

Dovi mutsuro yakaomeswa

NYAMA yetsuro — kunyanya kana iine dovi — kudya kunokurudzirwa zvakanyanya kubvira pasichigare uye yakakosha pautano hwemuviri sezvo iine kudya kwemapuroteni.

Varwere vopihwa ropa pachena

HURUMENDE ichabvisa mari yemiripo inobhadharwa nevarwere apo vanenge vachida kuwedzerwa ropa muzvipatara kutanga kwemwedzi waChikunguru.

Mudzimai orohwa ari musvo

. . . otiza vanhu vachimuonerera Gamuchirai Muzanenhamu— MUKADZI akaroorwa anoti murume wake ane tsika yekumurova asina kupfeka izvo zvinoita kuti atize mumba ari musvo, vavakidzani nevamwe vanhu vanodarika vachingomuonerera.

×