Murume oudzwa kuti . . .

Janet Chari—

MUDZIMAI anogara kuBorrowdale, muHarare, anoti ari kushaiswa rugare neaimbove murume wake uyo anongomuteverera kwose kwaanoenda izvo zvave kuita kuti vamwe varume vari kumupfimba vapedzisire vawora mwoyo.

Anesu Govere akamhan’arira David Mavedzenge kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

“Anouya kubasa kwangu achipopotera vanhu vasina mhosva naye,” anodaro Govere.

Anoti Mavedzenge ane tsika yekumutumira mashoko panhare yake pamwe nekumufonera kakawanda, izvo zvinoita kuti vapedzisire vave kupopotedzana.

“Rimwe zuva ndakatadza kuenda kunhamo nevamwe ndaswera ndakadzima runhare ndichitya Mavedzenge kuti anogona kufona tikatangazve kutukana,” anodaro Govere. Anoti murume uyu ari kumushaisa mufaro nekuti anogara achingomuteverera.

“Handichatokwanisi kuita mumwe murume nekuti iye anenge achingotevera zvinopedzisira zvawodza mwoyo wemurume wandinenge ndichifambidzana naye,” anodaro Govere.

Mavedzenge anoti haakwanise kurega kuteverera Govere nekuti ari kurambira nemagwaro ake echikoro pamwe neepfuma yaakabvisa paakamuroora.

“Handikwanisi kurega kumutsvaga nekuti ane mapepa angu echikoro neekuroora kwandakamuita,” anodaro Mavedzenge.

Anoti zvakare Govere ari kurambira nemagwaro esitendi yemba iyo akatenga nemari yaaitumira paaive kunze kwenyika.

“Ndaimutumira mari pandaiva ndiri kubasa kunze kwenyika, akatondiudza kuti imba yakapera. Asi pandakazouya kuti tiende tinogara ikoko, ndipo paakabva anditiza. Ndiko kusaka ndichimuti ngaandipe hake mapepa emba yangu ndiende ndinogara asi iye haadi,” anodaro Mavedzenge.

Mutongi Manasse Masiiwa akapa Govere gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *