Dovi mutsuro yakaomeswa

NYAMA yetsuro — kunyanya kana iine dovi — kudya kunokurudzirwa zvakanyanya kubvira pasichigare uye yakakosha pautano hwemuviri sezvo iine kudya kwemapuroteni.

Svondo rino VaJoakim Murandu vekuGokwe vanorondedzera mamwe mabikirwo enyama iyi.

Zvinodiwa:

Nyama yetsuro yakasasikwa, chikari, chipunu, matomatisi, hanyanisi, dovi, mafuta nemvura.

Mabikiro:

Cheka nyama muzvidimbu zvakaringana.

Igeze woikanda muchikari, wozoigadza pamoto iine mvura shoma.

Siya ikwate kusvika yaibva, wozokanda munyu.

Kana mvura yapwa, isa twumafuta twushomana wokanga.

Kana yatsvukira, chekerera hanyanisi woramba uchikanga.

Chichekerera matomatisi wokanda zvakare uye woramba uchipindura.

Kurungira dovi parutivi wozodira.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu, usakanganwe kusiya muto.

Nyama yetsuro inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde.

Vamwe vanorumira yakadaro kana kudya nemupunga. Usakanganwe komichi yemvura kana chinwiwa parutivi kuti zvinyatsoendeka.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×