A-LEVEL — ngano dzamatambidzanwa: Zvakakoshera nziyo mungano

Munyaradzi Gunduza 5. TSANANGURA zvinogutsa kuti nziyo dzaiita basa rei mungano uchishandisa ngano dziri mubhuku iri. [25] Svondo rino tinopedzisa mubvunzo uyu watakatanga svondo rinouya. Mungano inonzi, Vasikana navakomana shumba munobudiswa…

Akaponderwa mari yaive mufoni

Kingstone Mapupu MAPURISA ekuMasvingo, vari kutsvaga murume aisevenza semufudzi wemombe pamumwe musha weko nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda baba vaaishandira, ndokuzosiya aviga mutumbi wavo musango. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuduMasvingo,…

‘Usaite chiname neni’

Janet Chari MUMWE mukadzi anoti aimbove murume wake ave kuita “chiname” naye sezvo ari kuramba achienda kwaave kugara achinoita ruzha pakati pehusiku. Mildred Tsavanhu akaendesa Andrew Mhumhi kudare reHarare Civil Court…

‘Hapana zvinoyera, itsika yekwedu’

Munyori weKwayedza VEKUMHURI kwainge kwakaroorwa Cathrine Chiyanike vanoti hapana zvinoyera pachivanhu kuti muroora akorobhe makuva evashakabvu kwaanenge awanikwa sezvo iyi iri tsika inotevedzwa nevamwe vanhu kwaMutoko. VaJosiah Njagu, avo vanova mukoma…

Unoti handichada, sarenda, eke!

naIgnatius Mabasa NDINOZVIZIVA kuti wakambosvika paye pekuti unoti handichada, sarenda, eke! Handichada, ndisiyei, musandibate, musandinyengetedze! Asi chaunogona kutadza kuona pakusada kwako ndechekuti kune vakamirira kuti uti hauchada. Havapere vanhu vanoti hembe…

– bumbiro idzva redzidzo – Nheyo dzehwaro hwedzidzo itsva

naChiremba HWARO hwedzidzo itsva hune nheyo dzingasvike gumi idzo ndichaedza kutsanangura imwe neimwe asi dzimwe dzinokwanisa kubatanidzwa. Dzidzo itsva iri kudzumbunurwa iyi inofanirwa kunge ichiumba mudzidzi akakwana kwese kana tichitarisa…

Rume rine makaro . . .akaparadza dzimba apihwa sadza diki

Sukoluhle Ndlovu ari kuMBERENGWA MURUME wemubhuku raPoyi, kwaMambo Mapiravana, kuMberengwa, akamuka chibhebhenenga ndokupwanya gonhi nemahwindo epamba paambuya nasekuru vake mushure mekunge vanetsana nenyaya yesadza. Nyaya iyi yakabuda mudare reMberengwa Magistrates’ Court…

O-LEVEL — Manyambiri: Tsika yekuzvarira

Munyaradzi Gunduza MADINGINDIRA anobuda murungano: Chinonzi dingindira ipfungwa huru dzinenge dzichibuda murungano. Kazhinji rungano rwunofamba kuburikidza nemadingindira anenge akarongwa nemunyori. Madingindira aya ndiwo anoita kuti tikabvunzwa kuti rungano rwuri pamusoro…

‘Dzosa marata angu’

Janet Chari MUKADZI wekuzama kushandisa dare kunzvenga kubhadhare mari yemarata emuvakidzani wake ayo aaparadza, asi ndokunzi nemapurisa anofanira kuatsiva, akashaya pekupinda zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chake. Lucy Chekumanyara akaendesa Memory Kagovero…

Grade 7: Tsika dzavatema maererano nerufu

Ticha Danga GUDZA ratiri kuedza kuwaranyura rakakurisa zvekuti kuti tigone kubva tariti waranyu rose, rinorema. Nekudaro tinobata pano neapo tichiedza kuti zviringane. Regai timbobata nzvakanangana nerufu. Nyaya dzekuvigwa kwevafi dzine…

×