Zvirimwa zvopera nemakudo
Kingstone Mapupu MAKUDO anonzi arura zvikuru nekuparadza matara achidya chibage nezvimwe zvirimwa kudunhu reMambo Mutambara, kuChimanimani rinova dambudziko rave kutyirwa kuti rinogona kukonzera kuti varimi veko vapinde munzara.
Seed Co yorumbidzwa
Malven Mugadzikwa KOMITI yedare reParamende inoona nezvekurima yorumbidza kambani huru munyaya dzekuuchika mbeu munyika yeSeed Co nebasa rairi kuita rekuuchika mbeu dzemhando yepamusoro izvo zviri kubatsira varimi kuti vawane goho…
‘Tinoda zvikoro zvitsva 2 000’
Tandayi Motsi GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Zimbabwe iri kuda zvikoro zvitsva 2 056 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.
Tinotambira kuhwinha: Ngezi
Abel Ndooka KUBVA gore ra2016 apo Ngezi Platinum Stars yakatanga kukwikwidza muCastle Premiership, chikwata ichi change chichingotamba nhabvu inonwisa mvura uye mwaka uno chiri kurakidza kuti chinogona kuhwina mukombe wePremier…
Anoruma imbwa, mbudzi dzichifa . . .‘cup’ yangu ideheny’a remunhu’‘Ndinonwira doro imomo’
Kingstone Mapupu MURUME wekuBikita, kuMasvingo, anoti kuti anyatsonzwa kunaka kwedoro raanonwa, ndokunge arinwira mudeheny’a remusoro wemunhu se”cup” uye kana achiuraya mbudzi kana huku, anoita dzekudambura mitsipa nemazino ake.
‘Fundo inokosha kuvaimbi’
Abel Ndooka MUIMBI weAfro-fusion nePasada – Walter Sonayi – uyo anonyanya kuzivikanwa saPapa Sodza, wechikwata cheVibrant Sounds anoti zvakakosha kuti vaimbi vadzidze kuitira kuti vatsvage mamwe mabasa ekuita kunze kwekungomirira…
hiv nekudya kune utano
PANGUVA yekuve nepamuviri pamwe nekuyamwisa, chikafu chinovaka muviri chakakosha zvikuru kuna amai nemwana anenge asati aberekwa.
mombe 5 tezvara nemuroora vaita ‘nyaka-nyaka’
Kingstone Mapupu SABHUKU Chitauro wekwaNyamweda, kuMhondoro – uyo wekunzi akabatikidzwa achishinha nemuroora wake musango remapuranga reko, muroora uyu ndokuzozviuraya anwa muchetura nekunyara – akaripiswa mombe shanu nembudzi ina namambo weko.
Joshua ndomurikita: Tyson Fury
TYSON Fury anoti ane idi rekuti anokwanisa kukunda Anthony Joshua uyo ane bhande reWorld Heavyweight.
Tinoda kurerutsira vadzidzi: Sibanda
Muchaneta Chimuka MUNYORI mukuru kubazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemuchina, Dr Desire Sibanda, vanoti bazi ravo rakatora danho rekudzikisa mari inobhadharwa nevadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji nechikamu che40% panguva iyo vanenge…










