$800 000 yemayunivhesiti nemakoreji
Tandayi Motsi HURUMENDE yakapa $800 000 kumayunivhesiti nemakoreji akasiyana emunyika muno kuti ange achiita tsvakurudzo pamwe nekuvaka mizinda (innovation hubs) yezvigadzirwa zvinosanganisira zvesainzi nedonzvo rekusimudzira chikamu chezvemichina.
Gadziriro dzekurima gorosi dzoitwa
Muchaneta Chimuka GADZIRIRO dzekurima gorosi remuchando remwaka wa2018 dzave padanho repamusoro uye Hurumende iri mushishi kushanda nesimba kuitira kuti varimi vawane zvekushandisa nenguva.
Havaropafadze, imharadzi
NDAKASANGANA neimwe nyaya inorwadza uye ndinovimba kuti vechidiki vazhinji vachadzidza kubva kwairi. Ndiri musikana wechidiki ane makore 19 ekuberekwa, ndinobva kumhuri iri nani. Hatina kana zuva ratakamborara nenzara uye hatina…
Kugocha nyama yenguruve
ZVIRI MUGAPU NYAMA yenguruve ine kudya kunovaka muviri semapuroteni ayo akakosha kuutano hwemunhu. Svondo rino Mai Eurita Tope vekwaRusape vanotsanangudza mamwe mabikirwo enyama yenguruve.
Rimai dzimwe mbesa: fao
Muchaneta Chimuka SANGANO reFood and Agricultural Organisation (FAO) riri kukurudzira nyika dziri mudunhu reSouthern Africa kuti dzirime zvirimwa zvakadai semupunga zvinofambirana nekusanduka kuri kuita chikafu chiri kudyiwa nevanhu zvakanyanya mazuva…
‘Mhanzi ngaive nedzidziso’
Abel Ndooka MUIMBI wemusambo weAfro-fusion, Admire Sanyanga Sibanda – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “Chief Hwenje” – anoti mhanzi mutauro unodzidzisa nekudaro vaimbi vanofanira kuparidza mashoko anovaka veruzhinji.
Vodzidzisa vechidiki mabasa emawoko
Daphne Machiri SANGANO rakazvimirira reOrphan Guardian Angel riri kutsigira chirongwa cheNew Curriculum kuburikidza nekudzidzisa vana vechikoro vanoshaya mabasa emawoko sekusona, kuveza nekuvaka.
— Zviwanikwa zveZimbabwe —
garwe/ngwena (ingwenya/crocodile) MUZIMBABWE mune mhando imwe chete yegarwe kana kuti ngwena, riya rinodaidzwa kuti Nile Crocodile. Garwe chisikwa chine ropa rakatonhora uye chinorarama zvakanaka pane mvura. Naizvozvo makarwe anogona kuwanikwa…
Mukadzi kutariswa seTv yemubhawa?
IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa NDAKAENDA kumabiko andakagarisana nemumwe mudzimai akanga akapfeka hembe yakanga ichiremerwa nemazamu ake. Iroro harisi dambudziko nekuti Mwari vanosika vanhu zvakasiyana-siyana. Vamwe varefu, vamwe vapfupi, vamwe…
Mhuka dzinodaidzwa nemazera adzo
Ticha Danga CHIKAMU chakapfuura takabata mazera akanangana nevanhu. Rwendo rwuno tinoda kutarisa zvakanangana nemhuka. Mazita mazhinji tinoadaidza nepasiripo nemhaka nekuti hatinyatsozivi mamiriro azvo zvichienderana nemazera acho.









