Mazita ezvinhu nemazera azvo

Ticha Danga ZORORO reEaster rakatipa mukana wekumbozorora tichirangarira kutambudzwa kwakaitwa mwanakomana waMwari, Jesu Kirisitu, achiroverwa pamuchinjikwa nekuzomuka kwake mushure memazuva matatu. Ndiyo nguva zvakare yakavharwa kotoro yedu yekutanga kwegore rino…

Mazina embwa pachiNdau

NDAUWE ndauwe! Nyamashi uno ngatimboreketa ngemazina embwa. Mukati pane usikazii imbwa ere?  Takambobhuya payana sureni tikati apana chiro chisina zina. Kana Bhoki naBhoko ane mazina, sakei teiti Bhoko nyamashi.

Pamaive kuPaseka mai B vakarwa namai Titi

NDINONAMATA kuti dai kuzvininipisa kwedu paPaseka tichigashira chidyo chemuviri waShe kwagara. Neniwo handiwirirane nenyika nekuda kwekundiita kuti ndikanganwe Mwari kwainoita.

Tsotsi rakadzipa mupurisa

Muchaneta Chimuka MURUME wekuChitungwiza wekubira vanhu vaviri nhdarembozha dzavo pamwe nekuzodzipa mupurisa aida kumusungira mhosva iyi akazoigochera pautsi zvichitevera mutongo waakapihwa nedare wekunodya refovhoro kwegore rose. Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates…

Ndinobuda mukaka, ndiri mhandara

MUBVUNZO: Makadii Sekuru? Ini ndine dambudziko randisinganzwisise. Ndinobuda mukaka kuzamu rekuruboshwe, asi handisati ndamboita mwana, ndichiri musikana. Chii change chichikonzeresa izvi uye zvinopera here? Ndibatsireiwo.

Mavende ekudya nyama dzevanhu

Nyore Madzianike MURUME anogara kuSakubva, kwaMutare, anoti mudzimai wake muroyi uye akamuudza kuti mavende aainawo akakonzerwa nekudya nyama dzevanhu vakafa. Joshua Namate akataura mashoko aya svondo rapera mudare raMambo Zimunya…

Vhenekwai gomarara: msf

Muchaneta Chimuka MADZIMAI mazhinji ayo anga achikundikana kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa chirwere chegomarara remuchibereko kuMasvingo vava kuzoyamurwa nyore zvichitevera kuparurwa kwechirongwa chekuti vavhenekwe pamwe nekurapwa denda iri pachipatara cheGutu Rural Hospital…

‘Zvikwata zvePlatinum zvatanga zvakanaka’

Abel Ndooka NYANZVI dzekuongoora mutambo wenhabvu dzinoti kubvira pakatanga mwaka weCastle Lager Premiership zvikwata zvinoti Ngezi Platinum neFC Platinum ndizvo zviri kutamba zvinodakadza. Ngezi Platinum pamwe neFC Platinum zvakwanisa kuhwina…

Kurima Fine Bean nePrime Seed Co

Elizabeth Benjamin PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nembeu dzemafuro ezvipfuyo. Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, aya anodaidzwa kuti ma “hybrids”.…

Mufakose Express yosimudzira vechidiki

Abel Ndooka CHIKWATA chemhanzi cheMufakose Express chemuHarare chinoti chakazvipira kusimudzira matarenda evaimbi vechidiki vanobva munzvimbo iyi. Mufakose Express – iyo yakavambwa mugore ra1995 –  kusvika parizvino yakwanisa kubura madambarefu maviri…

×