Mufakose Express yosimudzira vechidiki

Abel Ndooka
CHIKWATA chemhanzi cheMufakose Express chemuHarare chinoti chakazvipira kusimudzira matarenda evaimbi vechidiki vanobva munzvimbo iyi.

Mufakose Express – iyo yakavambwa mugore ra1995 –  kusvika parizvino yakwanisa kubura madambarefu maviri anoti Kumadokero mugore ra1997 kozoti Mambakwedza iro rakaparurwa gore rino.

Mutungamiri wechikwata ichi, Zabron Murombedzi, anoti munzvimbo yeMufakose muzere nevaimbi vakawanda saka vazhinji vacho vanoshaya mukana wekutsikisa mhanzi nekudaro vakavamba chikwata ichi nechinangwa chekusimudzira matarenda evaimbi vechidiki.

“Muno muMufakose vaimbi vazere uye vamwe vari kushaya kwekutsikisira mhanzi yavo saka isu takauya nezano rekuumba chikwata chedu ichi kuti tisimudzirane. Vese vanoridza muchikwata ichi zvizvarwa zvemuMufakose chete uye zvicharamba zviri zvemuMufakose nekuti chinangwa chedu kusimudzira nzvimbo yeMufakose,” anodaro.

Murombedzi anoti kunyangwe zvazvo chikwata chavo chichiridza Sungura vachange vachiita mashoo nevamwe vaimbi vemisambo yakasiyana inosanganisira Zim-dancehall, Jazz, chitendero, hip-hop neR n B.

“Parizvino tiri kutsikisa Sungura asi hatisi kuzomirira ipapo chete, tine vamwe vanoimba mimwe misambo yemhanzi uye tiri kuvabatsira kuti mhanzi yavo iende kure, isvike kuvatsigiri vavo,” anodaro Murombedzi.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *