mwana anotukirira amai
Gamuchirai Muzanenhamu AMAI vekushungurudzwa nemwanakomana wavo vakazopotera kudare redzimhosva vachiti ari kuvaonesa ndondo achida mari inobviswa nemaroja uye anovatumira mashoko ekutukidzira panhare.
MAONERO EDU: Tb: Iwe neni tine basa!
NYIKA yeZimbabwe ichangobva mukubatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekurwisa kupararira kwechirwere cherurindi, reWorld TB Day. Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Tinoda vatungamiriri vanorwira kupedzwa kwechirwere cherurindi muZimbabwe.…
‘Dzosa $2800 yangu kana usisandide’
Lizzy Mushoriwa MUSIKANA wekupinzwa chikoro neaimbova mukomana wake anoti ave kumushungurudza achiti ava kuda kudzoserwa mari yake mushure mekunge varambana. Prisca Rakandwa akaendesa Patrick Panoni kudare reHarare Civil Court achida…
Tinoda kuita makoreji nyika yose – Murwira
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti ine chishuwo chekuti kumatunhu ose enyika kuve nemakoreji anodzidzisa varairidzi nedonzvo rekupa mukana kune vanoda kuita kosi yehudzidzisi. Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika negurukota redzidzo…
‘Ndicharoya tsvina yako’
Lizzy Mushoriwa MURUME wekuSunningdale, muHarare, anoti ava kutyira upenyu hwake sezvo mukoma wake achigara achimuudza kuti achamuroya nenyaya yekuti akapinda muchimbuzi achizvibatsira anosiya tsvina yake irimo.
‘Zimsec sandurai mamakiro enyu’
Whinsley Masara uyo akange ari kuNyanga KANZURU yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) iri kukurudzirwa kuti ivandudze mamakiro (grading system) ainoita zvidzidzo zvemabasa emawoko nedonzvo rekubatsira vana vanonetseka nezvemabhuku asi vaine…
Hapana chinouya chega: ‘Zim is open for business’
KANA mumusha mapinda nzara, mumatura musisina chinhu, vana amai vedu vanoziva kuti havangopeti mawoko vonogara mumumvuri vachimirira kuti pachangoitika munana, matura oerekana azara chikafu. Madzimai akarongeka atinoziva anombobata muchiuno, odzungudza…
Vana zvidhakwa vanorova amai
Lizzy Mushoriwa IMWE shirikadzi yakachema-chema mudare ichiti iri kuoneswa nhamo nekurohwa nekutukwa zvinyandzi nevana vayo avo vane marambadoro. Tamari Madhawini akamhan’arira vanakomana vake vanoti Joseph, Kumbirai, Kundai naNevermind Madhawini kuHarare…
Zvinoshorwa munyaya
Munyaradzi Gunduza Tsanangura zvinhu zvaungati ndizvo zviri kushoropodzwa nemunyori maererano neupenyu hwemazuva ano muna Kereke Inofa. [25]
Mashiripiti emungano
Munyaradzi Gunduza MASHIRIPITI kana jandukwa ndechimwe chiitiko chinonyanya kutora nzvimbo muzviitiko zvemungano, saka nguva zhinji vanasarungano vanoshandisa mashiripiti vaine zvinangwa zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvinoita kuti vashandise mashiripiti ndezvinotevera:



