Ndinobuda mukaka, ndiri mhandara

MUBVUNZO:

Makadii Sekuru? Ini ndine dambudziko randisinganzwisise. Ndinobuda mukaka kuzamu rekuruboshwe, asi handisati ndamboita mwana, ndichiri musikana. Chii change chichikonzeresa izvi uye zvinopera here? Ndibatsireiwo.

Mhinduro:

Iwe muzukuru nevamwe vamwe vangange vaine dambudziko serako, izvi zvinogona kukonzerwa nemweya yakaipa.

Asika, iwe hauna kutiudza zvaunoona kuhope dzako kana kuti wakamboenda kwachiremba kana kukiriniki ukanzi kudii.

Nekuti pamwe zvinoda kumachiremba ekuchipatara asi hope dzako dzinogona kuva ngirozi yako dzichikuratidza zvine chekuita neupenyu hwako.

Zvichida unorota uchiita bonde kana kuyamisa mwana apa uchiri mhandara zvayo. Iyi inenge iri mweya yakaipa.

Zvisinei, iwe hauna kutaura kuti unomborota hope dzakaita sei.

Asi chandinoona pauri ndechekuti pane vavengi vari kukushereketera nemishonga, zvoita kuti upote uchibuda mukaka zamu rimwe chete.

Pamwe vanhu ivava vanokuita mukadzi kana kuti vanhu zvinhu zvavo zvinokuyamwa.

Zvinhu izvozvi zvinokwanisa kutokutadzisa kuroorwa.

Ndinokukurudzira kuti umbotanga waenda kumachiremba unoongororwa kuti chii.

Asi zvimwe zvinoda chivanhu, saka ndinoti batsirwa nevakuru vako hama yepedyo kutsvaga vanhu vanogona kupedza dambudziko rako muchivanhu.

Ukashandirwa zvakanaka muzukuru, dambudziko iri rinopera.

 

Bvunza Kwayedza pa0775 421 949 kana 0715 942 183

Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Twitter: @sekuruelishamutanga

Instagram: @sekuruelishamutanga_official

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *