Mapurisa otsvaga kamwana ‘kekutorwa nechamupupuri’

Kingstone Mapupu
MAPURISA ekuMashonaland East Province vanoti vachiri kutsvaga mwana ane makore matatu ekuzvarwa uyo ava nechipo chemwedzi mitatu atsakatika papurazi reRosyline Pattison, kwaMuda, kuBeatrice apo nonzi akatorwa nechamupupuri achitamba nevamwe vake.

Mwanakomana akashaika uyu — Knowledge Nyamunda — mutema, aine bundu kugotsi nemavanga pamhanza pake.

Baba vemwana uyu, VaHerbert Nyamunda (42), nemudzimai wavo Plaxedes Gonera (24), vanoti havazive kwaari kunyangwe zvazvo nguva yadarika vakaudza Kwayedza kuti akapupurutswa nechamupupuri ndokuendwa naye zvachose.

Assistant Inspector Tendai Mwanza, avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, vanoti Knowledge akashaika nemusi wa24 Zvita gore rapera apo aitamba nevamwe vana panhandare iri mukomboni yepapurazi iri.

Vanoti kune vanoda kubatsira kana vane zvavanoziva pamusoro pekushaikwa kwemwana uyu varidze nhare kunaAsst Insp Mwanza panhamba dzinoti (0279) 24145 kana panharembozha inoti 0772 492 561.

Vanogona zvakare kuridza nhare kuna Officer In-Charge Beatrice, Inspector Hove, vane kamba ine mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi panhamba dzinoti 0712 094 110.

“Semapurisa hatina zororo, tiri kutsvaga mwana akashaikwa papurazi reRosyline Pattison nemusi wa24 Zvita gore rakapera apo aitamba nevamwe uyu.

Hazvina mhosva kuti mashoko api, ngaaunzwe chete kwatiri anotibatsira kuti tiwane chokwadi chezvakaitika kumwana uyu,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *