Aphiri adzokazve mudariro
Gamuchirai Muzanenhamu naLizzy Mushoriwa NYANZVI munyaya dzemitambo yemadhirama, Jeffrey Chogugudza – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Aphiri wechikwata cheTrue Vision African Theatre – akaburazve mumwe mutambo mutsva unonzi Pasi Pezuva…
MAONERO EDU: Zvipfuyo upfumi, zvichengetedzei
MUNGUVA ino yeZhizha, varimi vanosangana nedambudziko guru rezvirwere zvakasiyana izvo zvinobata zvipfuyo zvavo, kunyanya mombe. Zvirwere izvi zvinosanganisira zvinokonzerwa nezvikwekwe zvinenge zvichiruma mombe nezvimwe zvakaita sechemahwanda. Izvi zvinoreva kuti varimi…
Vhenekwai gomarara: Dr Pari
Tandayi Motsi GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vanovhenekwa chirwere chegomarara nguva ichiripo uye chisati chadingindira mumuviri kuitira kuti chive nyore kurapa.
nyoka yadya vanhu 8‘. . . inoda ropa revanhu’
Kingstone Mapupu VANA vasere vemhuri imwe chete inogara kumindamirefu yeTsunga Village 1, kwaMambo Nyandoro, kwaChihota, vanonzi vakapera kuuraiwa nenyoka yevaroyi iyo iri kunzi yakazobatwa neimwe n’anga svondo rapera. Mhuri yaVaCharles…
src yodya marasha. . . tinoda kuona mabhuku emari emasangano emitambo
Abel Ndooka SANGANO reSports and Recreation Commission royambira masangano emitambo akasiyana kuti anofanirwa kuvapa mabhuku avo kuitira kuti vaongorore mashandisirwo emari dzavari kupihwa nevakotsveri.
Tinoda runyararo: Matangira
Kingstone Mapupu MUMIRIRI weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vanoti vanogamuchira nemawoko maviri mashoko anogara achitaurwa nemutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kubatana pamwe nekugara…
Mabhezari 70 ekunodzidza kuRussia
BOKA reRussian Federation riri kupa mabhezari anosvika 70 kuvadzidzi vemuZimbabwe vanoda kuenda kunyika yeRussia kunoita zvidzidzo zvakasiyana.
Rimai mbambaira: zfu
Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union rokurudzira kuti vashandise mukana wemvura zhinji iri kunaya kumativi mana enyika kurima mbambaira kutsiva zvimwe zvirimwa zvakatsva nezuva senzira yekudzinga nzara mudzimba…
Barcelona yotenga Griezmann
VATAMBI veBarcelona vakatendera chikwata chavo kuti chigotenga Antoine Griezmann kubva kuAtletico Madrid mwaka unotevera, sezviri kutaurwa nemapepanhau ekuSpain.
Akabviswa sikarudzi nemheni
Kingstone Mapupu MUNYAYA yasiya vagari vekwaChimombe, kuBuhera, vasina neremuromo, chitunha chemukadzi weko uyo akafa mushure mekurohwa nemheni chinonzi chakazovigwa chisisina sikarudzi. Mutumbi waLenny Muranganwa (25) wemubhukuku raGwendere unonzi wakaonekwa usisina…











