Huku ‘dzakachechenya’ mombe
VARIMI vekuBindura South, kuMashonaland Central Province, vari kubatsirikana zvikuru nemabhindauko ekupfuya huku ayo ari kutsigirwa nenhengo inovamiririra mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.
Bindura South yokwezva vashanyi
DUNHU reBindura South riri kusimukira munyaya dzebudiriro zvichiteverwa kuvakwa kuri kuitwa dzimba dzevashanyi dzekutandarira nekurara kwaMasembura.
O’Reilly otamba nhova
MUTAMBI wetsiva wekuIreland weboka reamateur – Michael O’Reilly – akatemerwa chirango chekuti asakwikwidze mumutambo uyu kwemakore mana zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekutora zvinodhaka mumuviri zvisingatenderwe mutambo we2016 Olympic Games usati…
‘Zvishavane inoda zvimwe zvikoro’
Munyaradzi Doma ari kuZVISHAVANE HURUMENDE iri kukurudzirwa kuti ivake zvimwe zvikoro zvesekondari kuZvishavane zvichitevera kushomeka kwazvo kana zvichienzaniswa nezvepuraimari zviri mudunhu iri.
Oripira imbwa $140
Gamuchirai Muzanenhamu MURUME wekusachengetedza imbwa yake akazozvidemba apo akamiswa mudare mushure mekunge yaruma nekukuvadza mumwe munhu zvikaita kuti muridzi wayo atemerwe mutongo wekuti amubhadhare $140 yaakange ashandisa mukuzvirapisa.
Akavharwa $600 nemagweja
Lizzy Mushoriwa MURUME wekunzi akatsotswa mari yake nemagweja ayo aida kumutengesera ngoda akadhonzera mumwe muchinda kudare achiti ari kuramba kumudzosera chikwereti chake che$600 iyo akamupa apo aida kurapwa maziso ake.
Kuzamakuvanza chokwadi
Munyaradzi Gunduza Tsanangura zvinhu zvishanu zvinoitwa naPastor Gift Mwenje mukuedza kuvanza mhosva yavo yekupa Sarah pamuviri muna Kereke Inofa. [25]
Roja rakatiza nemari yemba
Lizzy Mushoriwa ROJA rekutiza pamba paraigara risina kubhadhara chikwereti chemari yerendi rakazoigochera pahutsi apo muridzi wemba akakwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva.
Imba yakauraya vanhu 4
Kingstone Mapupu VANHU vana vemhuri imwe chete vakafa, vamwe vatatu ndokukuvara, apo imba yavainge varere yakadhirika nekuda kwemvura iri kunaya mubhuku raChidawa kwaMambo Nyajina, kuUzumba.
Anoisira mukadzi sipo mu‘rice’
Gamuchirai Muzanenhamu MUMWE mukadzi akachema-chema mudare achiti murume wake anoda kumuuraya zvekuti akatombomuisira imwe mhando yesipo mumupunga. Pamhidzai Joho akamhan’arira Cathbert Manyika kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumutuka kuti…





