Vanhu 10 vakafa nehowa

VANHU gumi vemumhuri imwe chete yekwaSabhuku Makuta, kuMberengwa – vapfumbamwe vacho vari vana – vakafa mushure mekudya howa hunokora.

Hochekoche yasarungano navateereri

Munyaradzi Gunduza SARUNGANO vaiva ambuya kana sekuru vedunhu vane utsome pamwe neuseza hwenharaunda nemararamiro aitarisirwa mutsika namagariro avatema.

Pastor Mwenje kubira kereke

Munyaradzi Gunduza BURITSA zvinhu zvishanu zvinojekesa kuti Pastor Gift Mwenje vaishandisa kereke zvisina kunaka muna Kereke Inofa. [25]

Manyorerwo etsamba yebasa

Ticha Danga GORE zvarichangotanga kudai, ndipo panoda kuti tinyatsogara tarovera masoro kuitira kuti vana vachangotanga gwaro rechinomwe vabva vagara varongedza mumusoro maitirwo chaiwo avanotarisirwa kuti vagoita muna Gumiguru apo vanenge…

Jezi raAstori rosendekwa

FIORENTINA yakazivisa kuti hapanazve mumwe mutambi wenhabvu achazopfeka jezi nhamba 13 iro raipfekwa namushakabvu – Davide Astori (31) – uyo aive kaputeni wechikwata ichi.

Sadza nenyama yezondo

NYAMA yemazondo emombe usavi hunofarirwa nevanhu vemazera ose sezvo achinzi anochengetedza mapfupa emuviri kuti agare akasimba.

Muchandiona: Dhemere. . . “tiri kutora mukombe”

Abel Ndooka MUTAMBI wechidiki wechikwata cheDymanos uyo ari kupisa parizvino Kudzanayi “KD” Dhemere (19) anoti shuviro yake kuhwinha mukombe wePremier League neDeMbare pamwe nemubairo weRookie of the Year.

Kanzuru yeBuhera yovakisa zvikoro

Kingstone Mapupu KANZURU yeBuhera Rural District Council inoti ine hurongwa hwekuvaka zvimwe zvikoro mudunhu iri kuitira kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana avo pari zvino vari kufamba nzendo refu kuenda kuchikoro.

Makudo ovhima mhondi

Kingstone Mapupu KWAMAMBO Nyamukoho, kuMudzi, kudunhu reMashonaland East, kuri kuitika mashiripiti emakudo anonzi amutsa hondo yekuenda pamusha wemhuri ine vanhu vanonzi vakaponda mumwe mukadzi weko, apo anovafurufusha achivatema nematombo.

Mvura yodhiritsa dzimba

Kingstone Mapupu MVURA yakawanda iri kunaya yakonzera kudhirika kwedzimwe dzimba nekuparadza midziyo mumusha weHopley, muHarare.

×