Mabhezari ekunodzidza kunze opihwa
Abigail Mawonde Hurumende iri kukoka vadzidzi vanoda kuita zvidzidzo zvakasiyana zvinosanganisira madhigirii ePost Graduate nePhD pasi pechirongwa chePresidential Scholarships Programme 2018-19 kuti vanyorere vachitsvaga nzvimbo.
Odashurwa nasekuru
Lizzy Mushoriwa Muzukuru akadhonzera sekuru vake kudare redzimhosva achiti aona nhamo nekugara achirikitwa apo anovanyima zvavanenge vamukumbira uye dzimwe nguva vanozotora zvinhu zvacho zveginya.
Akarohwa ‘home and away’
Kingstone Mapupu Murume wekwaChinhamora, kuDomboshava, anonzi akazonopedzera hasha dzake dzezvimbokoma zvekubhawa pakunoparadza midziyo nezvivakwa zvepamusha wemurume waainge arwa naye, ndokuzvambura zvipfuyo zvepo uye ndokusiya zvinhu hwangova hungwandangwanda.
‘Siyai vatori venhau vaite basa’
Muchaneta Chimuka Munyori mukuru kusangano revatori venhau – reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) — VaFoster Dongozi, vanoshoropodza nyaya dzemhirizhonga kuvatori venhau apo vanenge vachiita basa ravo.
Rima hanyanisi dzePrime Seed Co
Elizabeth Benjamin Kambani yePrime Seed Co inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nedzemafuro ezvipfuyo. Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, dziya dzinodaidzwa kuti mahybrids.
Murume nemukadzi zvaburana
Gamuchirai Muzanenhamu Vanhu vaive mudare vakakahadzika apo murume nemudzimai wake vakamisidzana vachida kuti vose vapihwe magwaro edziviriro vachiti vari kushungurudzana. Pedzisai Chingwaru akamhan’arira murume wake, Moses Chingwaru, kuHarare Civil Court…
Mukadzi ‘chiname’ pamurume
Lizzy Mushoriwa Murume samusha akagunun’una mudare achiti aimbova mudzimai wake ari kumushaisa mufaro sezvo achimutevera kwose kwaanoenda. Handisan Nicholas akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekumhan’arira Memory Kambanje achiti…
Kuyemura nyanduri
Munyaradzi Gunduza SARUDZA nyanduri mumwe chete kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo akanyora nhetembo dzakakubaya mwoyo. Zvino chitsanangura pamusoro peshanu dzacho uchiburitsa zvadzinoreva. [25]
Akatorerwa mukadzi neshamwari
Gamuchirai Muzanenhamu Murume akaendesa aimbova mudzimai wake kudare achiti ari kumuonesa ndondo nekumufonera pamwe nekumutevera kwose kwaanoenda zvisinei nekuti ndiye akamuramba akazonogara neshamwari yake. Evans Makuwatsine akadhonzera Tsitsi Hwashaya kuHarare…
Usaite mhosho
Ticha Danga Tikagara taziva kuti mudura matinoda kuisa mbesa dzatichakohwa muchaita zvipfukuto tinogara taisa mushonga kuti tichengetedze goho redu. Tikaita mberengera tinoradza ambuya nenzara uye tinozogomberwa mberi apo tinenge toda…









