‘Unoda kutiza mimba yako’

Lizzy Mushoriwa
Mukomana wekuzama kunzvenga nyaya yenhumbu yaakapa musikana wake nekuenda kudare redzimhosva achikumbira gwaro rerunyararo akashaya pekupinda apo chikumbiro chake chakaraswa.

Philmon Kasitanzu akamhan’arira Thembelile Sibanda kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza. Kasitanzu anoti Sibanda ane tsika yekusada kusiyana naye pese paanenge ari uye kumufonera achimutyisidzira.

“Mukadzi uyu haadi kusiyana neni, anondifonera achindityisidzira uye anouya kubasa nekumba kwangu achiita mhirizhonga. Izvozvi hatichagare tese pamusana pekuti ane mhirizhonga uye anotondikanda zvibhakera, handidi kumuona pedyo neni,” anodaro Kasitanzu.

Sibanda anopikisana nemukomana wake achiti iyi inzira yekuda kuramba mimba yake yaainayo.

“Ndinoramba kuti mumupe chikumbiro ichocho, anoda kutiza nhumbu yandinayo uye kutondidzinga. Ini handimutuke asi kuti ndinomufonera nenyaya yenhumbu ndichibvunza kuti todii. Ko inga taiwirirana wani pese apa, zvose zvazotanga nekuti ndava nenhumbu, unoda kuirambirei? Ndakaudza hama dzake kuti ndine nhumbu akandituka, kuda ndizvo zvaakatsamwira,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaKasitanzu achiti anoda kuwana mukana wekuti asataure naSibanda nezvenhumbu yake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *