‘Zvakaoma sei, vana kuchikoro’

Abel Ndooka        
Vabereki vokurudzirwa kushingairira kudzidzisa vana vavo nedonzvo rekuti vagozove neremangwana rakanaka sezvo dzidzo iri iyo nhaka yeupenyu.

Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika naVaSam Manyoni, avo vanove business unit manager wekambani yeFraser Alexander kudunhu reAfrica, pachikoro cheRobin Hood Pre-school, kuKadoma, apo vaive muenzi anoremekedzwa pakupedza zvidzidzo kwevana vepo.

“Kuti vana venyu vagove neupenyu hwakanaka, zvakakosha kuti vawane dzidzo yakakwana uye yepamusoro. Naizvozvo endesai vana kuchikoro vanodzidza. Hazvina basa kuti zvakaoma sei, vana ngavawane fundo. Edzai nepamunogona kuti vaende kuchikoro ramangwana ravo rivakwe,” vanodaro.

VaManyoni vanoti vabereki vanofanirwa kushuvira kuti vana vavo vararame upenyu huri nani kudarika hwavo.

“Sevabereki, shuviraiwo kuti vana venyu vararame upenyu hwepamusoro hwakasiyana nehwamunenge muchirarama imi. Ini ndakakurira kumugodhi upenyu hwakaoma, asi vabereki vangu chavakandigonera kundiendesa kuchikoro uye nhasi ndasvika pandiri nekuti ndakaramba kurarama upenyu hwandakakurira,” vanodaro VaManyoni.

VaManyoni vanovimbisa kuvandudza swimming pool yepaRobin Hood Pre-school nedonzvo rekuti vana vepo vakwanise kuita zvidzidzo zvekutuhwina.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *