‘Siyai vatori venhau vaite basa’

Muchaneta Chimuka
Munyori mukuru kusangano revatori venhau – reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) — VaFoster Dongozi, vanoshoropodza nyaya dzemhirizhonga kuvatori venhau apo vanenge vachiita basa ravo.

“Tiri kuramba tichisangana nematambudziko erudzi urwu apo vatori venhau vanofungirwa sevanhu vanenge vakarerekera rumwe rutivi nyambisirwa vanenge vachiita basa ravo. Vatori venhau basa ravo chete nderekunyora nyaya sezvadziri pasina kurerekera kune rumwe rutivi sezvinogona kufungirwa neveruzhinji munharaunda.

“Tine hurongwa hwatiri kuita neHurumende uye nemapurisa kuti pave nekuvandudzwa kwemitemo inochengetedza vatori venhau. Hatiwirirane nevanhu vane katsika kekutyisidzira vatori venhau kana kuda kuvarwisa nekuti pamutemo itori mhirizhonga iyoyo, imhosva huru inoendesa kujeri. Vanhu vakadai vanofanirwa kumhan’arirwa kumapurisa kuti varangwe nemutemo,” vanodaro VaDongozi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *