Muporofita akarumwa sikarudzi nezvidhoma. . . madzibaba ndokufenda . . . magemenzi akabvarurwa

Kingstone Mapupu Muporofita weJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe kana kuti yeNguwo Tsvuku wekuMt Darwin anoti akapotsa afa apo akarwiswa nezvidhoma, izvo zvakamuzvuzvurudza kwechinhambwe chemamita 30 apo zvaimurova —  ndokuzosiya zvamuruma sikarudzi…

Vaimbi vechidzimai ngavatsigirwe: zimu

Daphne Machiri Sangano reZimbabwe Musicians’ Union (ZIMU) rinoti vanhukadzi vari muindasitiri yekuimba vanofanira kupihwa mikana yakaenzana nevanhurume sezvo vazhinji vavo vachisangana nezvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira kushaya vakotsveri.

Ticha onzi muroyi, muSatanist

Lizzy Mushoriwa Mudzidzisi akadunura mudare achiti amai vevana vaanodzidzisa vari kumupumha huroyi, pamusoro pezvo vomuti muSatanist uye vanogara vachimutuka nezvinyadzi pajekerere.

MAONERO EDU: Musaite chikafu chekupfachura

Vakuru vane chirevo chinoti shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva ichiripo icho chinoburitsa pachena kukosha kwegadziriro yeramangwana. Kutora matanho ekugadzirira ringave dambudziko kana njodzi inogona kuwira munhu kwakanakira pakuti pazvinozoitika,…

Mbuya vashaya mari yekurapwa

Muchaneta Chimuka Mukadzi chembere weku-   Epworth, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti inovhenekwa uye kurapwa chirwere icho inofungira kuti igomarara.

Varimi vochema nemitengo yakadzika

Kingstone Mapupu Varimi vezvirimwa zvidiki vochema-chema zvikuru nekudzikira kwemitengo yazvo izvo vanoti zvave kudzosera budiriro yavo kumashure.

‘Chimoko’ chogara pasiti ramadhamu

Lizzy Mushoriwa Mumwe mudzimai akachema-chema mudare redzimhosva achiti ari kutambudzwa zvikuru nekatsika kemurume wake uyo waanoti anogarisa shamwarikadzi yake pasiti remota raanofanira kugara iye. Wadzanai Makanya akataura mashoko aya muHarare…

Munyori Chimuka hutu nemubairo

Kingstone Mapupu Munyori weKwayedza, Muchaneta Chimuka, svondo rapera akapihwa mubairo mukuru weBest Traditional Health Coverage 2017 nesangano reZimbabwe National Practitioners’ Association (ZINPA). Chimuka awana mubairo uyu zvichitevera kunyora zvakadzama nyaya…

Nyenyedzi yaLindi-Marc yopenya

Abel Ndooka                         Muimbiwechitendero – Lindiwe Phiri – uyo anonyanya kuzivikanwa saLindi-Marc, anoti anoona chiedza chakanaka mune remangwana mumhanzi yake zvichitevera kuparura kwaakaita dambarefu rinonzi “Vhurai Nzira” nguva pfupi yadarika kunyika…

Nyama yetsuro ine dovi

Nyama yetsuro inonaka zvikuru uye ine mapuroteni ayo anokosha kumuviri. Svondo rino, Mai Diana Garukaru vekuMufakose, muHarare, vanotsanangura mabikirwo enyama iyi.

×