Hatidi mhirizhonga: Nyoni

Muchaneta Chimuka — GURUKOTA rebazi rezvemadzimai nevechidiki, Cde Sithembiso Nyoni, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vabatane mukurwisa kumbunyikidzwa kwevanhukadzi nenzira dzakasiyana dzinosanganisira kubatwa chibharo, izvo zvinovaisa panjodzi

‘Ndinoita amai vangu mukadzi’

Kingstone Mapupu — MURUME akaroora wekwaMutare ari kutaura zvinotyisa – anoti kwava nenguva inodarika gore iye naamai vake mbune vachisangana mumachira semurume nemudzimai.

Zviri mutswanda yePrime Seed Co

Elizabeth Benjamin — PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) pamwe chete nedzemafuro ezvipfuyo. Mutswanda yembeu dzePrime Seed Co mune mbeu dzetsanga diki senyimo, mapfunde, nyemba nenzungu.

Eheka, wakandibata nechikomba, saka?

Gamuchirai Muzanenhamu— MURUME wekuzama kunzvenga kubhadhara mendenenzi achiti aimbova mudzimai wake akamuudza kuti mwana waari kubvisira mari ndewechikomba, akazoshaya pekupinda mudare nekunyara zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chake.

Kubheka mabhanzi

MABHANZI imbuva yakanaka nguva dzose – kungave kuvana vechikoro kana kuvanhu vakuru – sezvo asingakasike kuipa uye anopa simba.

Tsigirai dzidzo: Deketeke

Muchaneta Chimuka — KAMBANI huru mune zvenhau nenhepfenyuro munyika muno, yeZimpapers Group, svondo rapera yakapa makombiyuta maviri nemabhuku ekuverenga izvo zvinokosha $1 600 kuchikoro cheMukai High School chiri kuHighfield, muHarare.

Zvinoda ane chido: Juul

Abel Ndooka — AIMBOVE mutungamiriri wesangano reZimbabwe Football Association (Zifa) – Trevor Carelse-Juul – anoti kuti nhabvu yemuno ibudirire inofanirwa kutungamirirwa neshasha dzakambotamba mutambo uyu idzo dzine chido chekuti inge

Okorokotedza President

Muchaneta Chimuka — MUIMBI wekuZishavane, Admire Sanyanga Sibanda (30) – uyo anonyanyozivikanwa nezita rekuti Chief Shumba – akabura rwiyo rwekukorokotedza mutungamiriri wenyika President Emmerson Mnangagwa nekusarudzwa kwavakaitwa nebato riri

Kudzidzira mabasa kwakanaka – Vana

Gamuchirai Muzanenhamu — VANA vechikoro vanoti vari kudzidza zvakawanda pamusoro pemabasa avanogona kuita mune remangwana panguva iyo vanoshanyira makambani akatsaukana sezviri muNew Curriculum kunyangwe zvazvo kumwe kwacho vachizombunyikidzwa.

Vopunduka nehuku dzemazai

Kingstone Mapupu — MUBATANIDZWA wevarimi vekunzvimbo yeRanham padyo nemusha weDzivaresekwa Extension, muguta reHarare woita mukurumbira wekuwanisa mazai vemakambani, vezvitoro uyewo neruzhinji kuburikidza nekupfuya huku dzemazai

×