Iye munhu haadi kushungurudzwa

ZIMBABWE kubva musi wa25 Mbudzi kusvika 10 Zvita yakabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza mazuva ekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi — e16 Days of Activism Against Gender-Based Violence.

Yekuda kupfuma iyi . . . akafukunura makuva 2 evarungu

Kingstone Mapupu — MUZVINABHIZIMISI wekuSelous — pakati peNorton neChegutu mudunhu raMambo Chivero — ari kunzi akafukunura makuva maviri ayo akavigwa zvitunha zvevachena kare kare achifungira kuti achawana zvakakosha mukati mawo…

‘Ndakatizwa nemurume ndaremara’

Kingstone Mapupu — MUDZIMAI wemubhuku raMagohoto, kwaMambo Mukota, kuMudzi, asara ave shirikadzi zvichitevera kutizwa kwaakaitwa nemurume wake mushure mekunge aremara gumbo apo akaputikirwa nechimbambaira.

‘Kana ndoda bonde ndinorova mukadzi’

Lizzy Mushoriwa — VANHU vaive mudare redzimhosva vakakahadzika apo mumwe murume akati anosvika pakuzvambaradza kurova mudzimai wake kana achinge aramba kuenda naye pabonde uye dzimwe nguva anotora mari yekutengesa chikafu…

Ochekacheka hembe dzemukadzi nebanga

Lizzy Mushoriwa — MUMWE mudzimai akaridza mhere mudare achiti haasisina hembe dzekupfeka sezvo murume wake achigara achidzibvarura nekudzicheka-cheka nebanga.

‘handirare ndisina lipstick … hope hadziuye’

Daphne Machiri — “KUITA sei? Inini kurara ndisina kuita make-up — ndisina kuzora miromo yangu lipstick nekuzvipfapfaidza pefiyumu, hazviite! Kana hope dzacho hadziuye.

Marondera iri kuda zvikoro 36: Katsiru

Margaret Matibiri — DUNHU reMarondera rinoda zvimwe zvikoro zvepuraimari nesekondari 36 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana veko.

Gadziriro yemberi

Ticha Danga — TAVA kuita iya yokuti tigadzire nhava dzedu kuti dziteramire nekuti nguva yapera. Tava kusvika apo tinenge toda kuzvionera tega pasisina zvokubatira pamwe nerudhende nekuti munhu anenge onozvimiririra…

Newe wakatombobata tsvina nemadzihwa

HANDINA kumbobvira ndafunga kuti ndichaenda kujeri. Ndagara handidi kubatwa kana kubatikidzwa ndichiita zvinhu zvinosungisa. Handidi kubatwa ndichiba shuga chaiyo, handidi kubatwa nezvinodhaka nekuti handizoziva zvandinoitiswa

Tsamutombo pachiNdau

NDAUWE ndauwe akhiti woy! Muriyo ere mumakanyiyo. KwaMutema na- Dzingire, Muchadziya naNdima ngeparuseri. KwaTonhorai, zviro zviya zvabaatonhora yaemho nyamwaka. Chidziisira takachizwa, pedzepo mvura ikati yauya bwandasira

×