Chipanga otizira kudare

Kingstone Mapupu — MUIMBI Hosiah Chipanga svondo rapera akazopotera kudare raMambo Mutasa zvichitevera kunetsana kwaari kuita nemumwe mukadzi pamusoro penyaya yemuganhu wesitendi iri munzvimbo yeWatsomba, kwaMutasa, kuManicaland.

Kuvhara pombi dzeutachiona hutsva

MHEMEBERO dzezuva guru reWorld AIDS Day idzo dzinoitwa pasi rose nemusi wa1 Zvita dzaswedera. Zimbabwe ichaita mhemberero huru dzezuva iri kunhandare yeWhite City Stadium, kuBulawayo.

Handigare nemukadzi

MUBVUNZO: Ndiri murume ane makore 49 okuzvarwa, ndakamboroora vakadzi vatatu panguva dzakasiyana asi hapana mukadzi akaita makore matatu ndinaye. Ndava nemakore mapfumbamwe ndisina mukadzi uye ndinombotaura nevamwewo vakadzi asi hazvina…

Hameno, ndizvo zviri kungotaurwawo

MUNGUVA dzino dzatiri, mashoko ari kuwandisa uye ari kungoerekana auya sepamafoni sezvinonzi inhunzi dzanzwa pane chinonhuhwa. Muri kuanzwawo here mashoko ari kuti chokochoko achienda nekudzoka, achikwidza nekudzika? Anyanya mashoko ekutaura…

Voita chibhanzi neZim flag

Muchaneta Chimuka — MIREZA yeZimbabwe iri kutengwa semabhanzi anopisa mazuva ano. Kutengeswa kwemireza iyi kwakatanga neMugovera svondo rapera apo veruzhinji vakafora kunzvimbo dzakasiyana dzenyika vachida kuti Cde Mugabe vachibva pachigaro.

‘Mhanzi yezvinyadzi bodo’

Abel Ndooka — MUIMBI weSungura ane mukurumbira, Mitchell Jambo, anoti mhanzi yave kuridzwa nevamwe vaimbi mazuva ano inonyadzisa zvikuru zvekuti haikodzeri kunge ichiridzwa panhepfenyuro kana dzimwe nzvimbo dzinotandarira veruzhinji.

Chirwere cheshuga

Munyaradzi Gunduza — 1. Peter Marimi anofarira kudetemba pamusoro pedingindira rezvirwere zviri kushungurudza vanhu mazuva ano. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo. [25]

Maporofita havabhadhare: N’anga

Muchaneta Chimuka — N’ANGA yekuEpworth, muHarare iri kuchema-chema pamusoro pemaporofita ane mukurumbira ayo ainoti vanoenda kwairi vachida mishonga yekuzvisimbisa asi vasingazode kuibhadhara muripo sezvavanenge vawirirana.

Vakabhutsurwa muzanu-pf

Tandayi Motsi — ZANU-PF Central Committee nemusi weSvondo wadarika yakadzinga vamwe vakuru vebato iri zvichitevera kurasa kwavange vaita gwaro remusangano nekuve nhunzvatunzva pamwe nekukonzeresa nyonga-nyonga – mubato zvose nemunyika.

‘. . . vari ivowo Mai Mugabe’

Munyori weKwayedza — MUKURU wemadzimambo nemadzishe muZimbabwe, Mambo Fortune Charumbira vanoti danho rakatorwa naCde Robert Mugabe rekusiya voga basa semutungamiri wenyika rinorumbidzwa asi ndokuti vaifanirwa kutsiudza hunhu hwemudzimai

×