Vakabhutsurwa muzanu-pf

Tandayi Motsi —
ZANU-PF Central Committee nemusi weSvondo wadarika yakadzinga vamwe vakuru vebato iri zvichitevera kurasa kwavange vaita gwaro remusangano nekuve nhunzvatunzva pamwe nekukonzeresa nyonga-nyonga – mubato zvose nemunyika.

Vakadzingwa vanosanganisira Mai Grace Mugabe avo vanova mudzimai wevaimbove mutungamiriri wenyika, Cde Robert Mugabe, aive mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Phekezela Mphoko, Ignatius Chombo, Professor Jonathan Moyo, Saviour Kasukuwere, Patrick Zhuwao naMandi Chimene.

Vamwe “vakabhutsurwa” kubva mubato iri ndiKudzanai Chipanga, Makhosini Hlongwane, Walter Mzembi, Paul Chimedza naEunice Sandi Moyo. Vose vakadzingwa vanonzi vainge vari vakuru-vakuru vechikwata chinozivikanwa nekuti G40, icho change chokonzera kusagadzikana nekurasika kwegwara mubato riri kutonga reZanu-PF.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *