‘. . . vari ivowo Mai Mugabe’

Munyori weKwayedza —
MUKURU wemadzimambo nemadzishe muZimbabwe, Mambo Fortune Charumbira vanoti danho rakatorwa naCde Robert Mugabe rekusiya voga basa semutungamiri wenyika rinorumbidzwa asi ndokuti vaifanirwa kutsiudza hunhu hwemudzimai wavo, Mai Grace Mugabe hwekutukirira vanhu vakuru pajekerere.

“Zvavaita zvakanaka zvikuru uye zvinoramba vaine chiremerera,” vanodaro Mambo Charumbira.

“Zvinongorwadza hazvo kuti vazosiya nenzira iyi kana tichitarisa nhorowondo yavo. Kungoti vakatadza kudzora mudzimai wavo uyo ange ava nekatsika kekunyadzisa nekutukirira varume vakuru paruzhinji. Izvi hazviitwe patsika dzedu. “Semadzishe, tinovimba kuti mutungamiri wenyika mutsva achachengetedza hunhu netsika dzakanaka munyika zvose nekuvatungamiri vayo, izvo zvange zvarasika nekuda kwaMai Mugabe,” vanodaro Mambo Charumbira.Mai Mugabe vange vozivikanwa nekutukirira vamwe vakuru vemuZanu-PF nevashandi veHurumende vachizviti vanonzi “Mafirakureva”.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *