‘Unodaidza vana nemushonga’

Lizzy Mushoriwa — MUMWE mudzimai anoti vana vake vakatandirwa mamhepo apo vakapihwa chikafu nemukadzi akaroorwa neaimbove murume wake izvo zvinoita kuti avashevedze panguva yehusiku achishandisa mishonga.

Akaba doro re$1

Muchaneta Chimuka NYADZI dzinokunda rufu!

Wua yakabatsira vakwegura

Muchaneta Chimuka — WOMEN’S University in Africa svondo rapera yakapemberera kusvitsa makore 15 yavambwa kuburikidza nekubatsira nezvekudya nembatya kuvanhu vakwegura vanochengetwa pamusha weSociety for the Destitute Aged (SODA) kana kuti

Akabuda mukanwa megarwe

Kingstone Mapupu — MUSIKANA wekuKanyemba, kuMashonaland Central, anoti akarwisana negarwe rainge ramubata kwemaminitsi anokwana makumi maviri rikazotiza apo airedza hove murwizi rwaZambezi.

Oda kurova mukadzi nesando

Lizzy Mushoriwa — PANE mudzimai anoti murume wake ari kumutambudza achiti haachamuda nekuti achembera uye dzimwe nguva anomboda kumurova nesando.

N’anga yakatapira vana chikwereti

Freedom Mupanedemo ari kuGweru — N’ANGA yekuGweru inonzi yave nemakore mana ichigara nevana vaviri vayainge ichirapa uye inoti haizi kuzovadzorera kusvikira vabereki vavo varipa kurapwa kwavakaitwa chirwere chenhukusa (gomarara).

Kuvanza mimba yaSarah

Munyaradzi Gunduza — 4. TSANANGURA zvinhu zvishanu zvinoitwa naPastor Gift Mwenje mukuedza kuvanza mhosva yavo yekupa Sarah pamuviri muna Kereke Inofa. [25]

Mhoro mbavha, kuruku, mwana waSatani

naIgnatiusMabasa — NDAKANZWA mumwe munhu achituka mapurisa aive paRoad- block ndikatya. Pane mashoko ekuti nyangwe akatukiswa imbwa yako chaiyo unogumbuka. Munhu akatuka mapurisa uyu aitaura nezwi rakaomarara kunge dombo rekukweshesa

Kudetemba nezverudo

Munyaradzi Gunduza — MUDETEMBI anobudisa zvakare kuti akajairira kudya nenyama saka mimwe miriwo yakaita semufushwa nemuboora isinawo kana futa inomurutsisa zvakanyanya seapo anoti, “Mifushwa, muboora, michacha isinawo kana futa inondirutsisa

Mutongi Zvaipa oti zvamuipira

Gamuchirai Muzanenhamu — MURUME wekupfimba musikana ndokurambwa anoti musikana uyu nemukoma wake vave kurwa shanje yekuti asawane waanodanana naye zvisinei nekuti iye akamuramba. Mutongi Zvaipa akamhan’arira Patience Mukonoweshuro kudare reHarare…

×