Kurohwa seri nokuseri sengoma yesvondo
KURANGARIRWA chinhu chakakosha. Mumwe muverengi anonzi Gora akabvunza mupepeti weKwayedza kuti, “Ko Mukwende akashaya zvekutidzidzisa kani svondo rapfuura?”
Mafungiro evana pakuvhurwa kwezvikoro
Muchaneta Chimuka — VAMWE vana vechikoro vanoti vazvipira kudzidza nesimba mutemu yekupedzisira yegore zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro neChipiri svondo rino apo vatarisana nekunyora bvunzo.
Kudetemba nezverudo
Munyaradzi Gunduza — 2. BURITSA pachena zviri kutaurwa navananyanduri pamusoro perudo munhetembo shanu dzinobva mubhuku iri. [25]
Mutemo weCedaw wakakosha
Irene Sithole MWEDZI waNyamavhuvhu wakanga uri wemadzimai kunyika dzatinodyidzana nadzo sekuSouth Africa apo veruzhinji vaipemberera zuva guru remadzimai, reInternational Women’s Day.
Kugadzirira mwaka neSeed Co
Simba Gotosa TAONA zvakakodzera kuti sekambani yenyu hombe pakuuchika mbeu, titange kufamba tose rwendo rwemujecha mukuronga zvatichaita mwaka wekurima uno wa2017-18. Tose tinoziva kuti muno muZimbabwe kurima ndiwo musimboti weupfumi
Kubika machipisi nesoseji
MACHIPISI ane soseji anonaka zvikuru kana achinge abikwa zvine unyanzvi uye kudya kwemazera ose. Svondo rino VaMasimba Chekero vekuZaka vanotsanangura mabikirwo emachipisi ane soseji.
‘dzidzai kuzvishandira’
— President votsigira New Curriculum MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mugabe vanorumbidza gwaro idzva redzidzo, reNew Education Curriculum, vachiti rinosimbaradza kuitwa kwemabasa emawoko uye rinopa mukana kuzvizvarwa zveZimbabwe wekuti zvizvishandire.
Nhaka yekamba, matatya nezvikwambo . . .
— ‘handirambwe nemukadzi’ Kingstone Mapupu — MURUME wekuChecheche, kuChipinge, ari kuita kuimba chaiko — achireurura kuti ane mishonga yaakapihwa senhaka nevabereki vake iyo inomuita kuti ashinhe nevakadzi vehukama nevamwe vemunharaunda…
New Curriculum ipei mukana
ZIMBABWE inozivikanwa pasi rose munyaya dzebudiriro yedzidzo, izvo zvaona ichienda pamusoro pedzimwe nyika dzose dzemuAfrica pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora.
Ndini mambo weRhumba: Bitumba
Abel Ndooka — MUIMBI weRhumba, Wel- lington Maruta – uyo vazhinji vanoziva saDr Bitumba – anoti rutsigiro rwaari kuwana kunorakidza kuti ndiye ave “mambo” wemusambo uyu.







