‘Remangwana rirongere’

Abel Ndooka — SHASHA dzakamboita mukurumbira nekutamba nhabvu dzinoti zvakakosha kuti vatambi vagadzirire hupenyu hweremangwana ravo nguva ichiripo kuitira apo vanenge vasisatambe mutambo uyu.

Chibhanzi nefine beans dzePrime Seed Co

Aaron Chipatiso — KURIMA fine beans dzePrime Seed Co kwapundutsa ruzhinji rwevarimi muZimbabwe.  KuPrime Seed Co tine mbesa dzezvirimwa zvakawanda kubva kune dzinonyatsoita muchando kusvika kune dzinoita munguva yekudziya.

20 ‘years’ vaine zvitunha 3 ‘mubedroom’

Kingstone Mapupu — MUNYAYA yatendereredza vagari vekuMt Darwin misoro, mitumbi yevanhu vatatu avo vakafa chipo chemakore 20 adarika — ndokuvigwa mumakuva zvakanaka — inonzi iri kuonekwa mumba yekurara yababa vemhuri…

‘Vose vakatsakatika muNyanga vapenyu’

— ‘Vagere nenjuzu’ — ‘Itai bira vadzoke’ Kingstone Mapupu — MUKADZI anova n’anga uye svikiro rekuNyanga asi achigara muHarare anoti vanhu vose vakatsakatika mugomo reNyanga, kuManicaland, vapenyu.

2 000 vakapedza zvidzidzo paHre Poly

Muchaneta Chimuka — AKAVA makuwerere paHarare Polytechnic College, muHarare nemusi weChina wadarika apo vadzidzi 2 071 vakawaniswa zvitupa mushure mekupedza zvidzidzo zvakasiyana.

Kupepa varwere vave panhowo

Busi Mashiri — NOMSA (12) (handiro zita rake chairo) aigarononoka kuenda kuchikoro. Nguva zhinji mwana uyu airovha kuchikoro uye pamazuva aainge ari mukirasi, ainge asina mufaro.

Zvakanangana nerufu

Ticha Danga — NZVIMBO nenzvimbo dzinogona kuita zvakasiyana-siyana kana dziri nyaya dzerufu zvichienderana netsika dzinotevedzwa mumatunhu iwayo.

Ndiwo ma’spiritual husbands’ here?

Mubvunzo: Sekuru, nyaya yema “spiritual husbands” nema “spiritual wives” inombofamba sei? Ini ndiri mudzimai, ndiri kubata nhumbu dzichibva. Ndapinda mudzimba dzave nhatu dzichiparara asi ndichirota ndichiita bonde kuhope, ndobata mimba…

Bhuku rinobatsira pabvunzo

Munyori weKwayedza — Ventures Agriculture Revision Grade 7 ibhuku idzva richangobva kuburwa kubva kuvabiki vemabhuku veCollege Press. Ongororo yemabhuku inoratidza kuti rakanyorwa zvinonzwisisika zvokuti rinobatsira zvikuru kunyanya kuvadzidzi vegwaro

Dombo ragadzira sangweji nemuporofita

naIgnatius Mabasa — VANHU vazhinji mazuva ano vari kutsvaga Mwari. Vamwe vakamuwana, vamwe vakambozorora vagozosimudzira kumutsvaga. Vamwewo vari kutevera maporofita anoti anozivana naMwari.

×