Mapurasitiki, kaylite: Toringepi?

PANE zvigadzirwa zvashungurudza vanhu, zvigadzirwa zvamazuva ano zvakauya zvichinge zvakanaka, asi zvave kutenderedza misoro yeHurumende dzepasi rese namasangano anoona nezvokuchengetedzwa kwenharaunda.

World Vision yopa zvikoro makombiyuta

Kingstone Mapupu — SANGANO reWorld Vision riri kusimudzira dzidzo munyika muno kuburikidza nekupa makombiyuta nezvimwe zvinodiwa pafundo kuzvikoro.

. . . yogadzira mabhuku emamodule

Munyori weKwayedza — KUGADZIRWA kwemabhuku ekuverenga evadzidzi pakoreji yeHarare Polytechnic kuri kufambira mberi zvakanaka apo paine tarisiro yekuti pange padhindwa mamodule gumi nemaviri gore rino risati rapera.

Ndapedza vakadzi vemashefu: Pfambi yechirume

Malven Mugadzikwa — MURUME wemuHarare — uyo aimbova ngochani yemakoko — anoti ava kurarama nekuita zvechipfambi achibhadharwa nevakadzi uye ndiye ari kupedza nhomba yebonde yemamwe madzimai evanamuzvinabhizimisi nemashefu.

Chiyangwa otaura nezvevatambi

Abel Ndooka — MUTUNGAMIRIRI wesangano rinoona nezvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association (Zifa), Phillip Chiyangwa, anoti zvakakosha kuti vatambi vemuCastle Premier Soccer League vashande nesimba kuti vagotengwa nezvikwata zvekunze

MaPos oenda muzvikoro

ZVICHITEVERA kunetsa kwekubata mari munyika, Hurumende iri kuedza nepose painogona kuti muzvikoro munge muine michina yekuti vabereki varerukirwe pakubhadhara mari, iya inodaidzwa kuti Point of Sale (POS) machines.

Gomarara reNon-Hodgkins Lymphoma

TINORAMBA tichikupakurirai ruzivo maringe nemhando dzemakomarara akasiyana. Svondo rino tiri kutarisa gomarara remhando yeNon-Non-Hodgkin lymphoma.

Shavi rehuroyi tugu parufu . . .

 — ndadya vanhu 100 — Muroyi akazviitira weti l Chuma chinoita nyoka Kingstone Mapupu — MUKADZI wekwaMambo Matsiwo, kuMbire mudunhu reMashonaland Central, anonzi akabatwa neshavi rekuroya panhamo yemuzukuru wake ndokudura…

‘madzibaba siyanai neni’

Lizzy Mushoriwa — PANE muporofita akamiswa mudare redzimhosva nemuvakidzani wake achipomerwa kumuitira ruzha apo anenge achinamata husiku nevamwe vake uye kumuvharira nzira yekuenda kumba kwake.

Mufushwa wemunyemba

MUFUSHWA wemuriwo wemunyemba ndekumwe kudya kwechivanhu kunokurudzirwa zvikuru sezvo kuchisimudzira utano hwevanhu.

×