Zvemari musvo ngazvichipera
MARI mazuva ano iri kunetsa kuiwana kungave kumabhanga kana kuzvitoro mushure mekunge munhu atenga kuburikidza nenzira inozivikanwa nekuti cash-back. Kunetsa kuri kuita kuwana mari uku kwaona veruzhinji vachitsvaga dzimwe nzira
Kurima madomasi ePrime Seed Co
Elizabeth Benjamin — PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nedzemafuro ezvipfuyo. Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, dziya dzinodaidzwa kuti mahybrids.
Ovavirwa nemukadzi wemapoto
Gamuchirai Muzanenhamu — MUDZIMAI wekuchaya mapoto nemumwe murume kwemakore akawanda akazochema-chema mudare achiti akamupedzera nguva yake uye pari zvino ari kumushungurudza kunyangwe zvazvo vakarambana.
‘Ndinobara zvimhuka’
. . . katsi, nyoka, tsoko, kamba Kingstone Mapupu — MUDZIMAI anobva kwaMudzimu, kuHurungwe – asi achigara ku- Epworth, muHarare – anoti abata mimba kanokwana kashanu asi achizozvara zvimhuka zvinosanganisira…
Mwanasikana owaniswa mumwe mukana
Kingstone Mapupu — BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rakabatana nerimwe sangano rakazvimirira kuMudzi, kuMashonaland East, rakatanga chirongwa chekubatsira vanasikana vanosiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana nekuvapa mumwe mukana
Mutare Poly yokumba mibairo
Ray Bande — KOREJI yeMutare Polytechnic iri kuramba ichisimukira munyaya dzedzidzo yepamusoro uye izvi zvinoratidzwa nekuwana kwairi kuita mibairo mikuru.
Makuwerere kuGokwe South
— Vana vakapihwa mibairo, miti nemikoko yenyuchi Daphne Machiri — MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti zvakakosha kuti makambani abatsirane neHurumende mukusimudzira dzidzo munyika.
Kupindura nhetembo
Munyaradzi Gunduza — MAPINDURIRWO anoitwa mibvunzo yenhetembo: Tara mazwi makuru ari mumubvunzo kuti usarasike zviri kudiwa mumhinduro. Kokorodza zvose zvinopindirana nemubvunzo, chimwe nechimwe chiwane tsigiro yakakwana sezvinodiwa nemubvunzo. Nyora nhanganyaya…
Ponogirafu kuitira imbwa yakafa nyaradzo
naIgnatius Mabasa — NHAIWE, unombofunga here? Kwete kufunga nhamo kana kuti uri kuroyiwa kana kuti ndiani waungakwerete mari. Kwete, ikoko hakusi kufunga, ikoko kutambudzika nekudzungaira.
NetOne yorerutsira ruzhinji
Munyori weKwayedza — KAMBANI yeNetOne yakaparura zvirongwa zvitsva zviviri izvo zvakananga kurerutsira makasitoma ayo kuti awane nharembozha dzepamusoro nemitengo yakaderera uye kuti vakwanise kuviga vafi pasina dambudziko.








